Accessibility links

Breaking News

Madzimai Obatana Vachishora Mhirizhonga Iri Munyika


Muzvare Oppah Muchinguri
Muzvare Oppah Muchinguri
Madzimai kubva kumapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa nvabatana muHarare neChishanu vachishora zvikuru mhirizhonga iri kuitika munyika, pamwe nekushungurudzwa kuri kuitwa madzimai munyika.

Vatungamiri vemasangano emadzimai muZanu-PF, pamwe nemumapato maviri ose eMDC aita musangano nebazi rinoona nezvekuregererana nekupodzwa kwemaronda vachizeya nyaya dziri kuvanetsa.

Mushure mekusangana nebazi rezvekupodzwa kwemaronda, madzimai aya aratidzirawo muHarare vachifora vachienda kudare reparamende uko vasvikopa tsamba yenyunyuto dzavo kumutungamiri wedare reseneti, Amai Edna Madzongwe.

Kuratidzira uku kunonzi kwanga kwakachengetedzwa nemapurisa.

Madzimai aya ashorawo nyaya yerufu rwaChristpowers Maisiri, mwana wenhengo yeMDC, uyo akafira mumba inonzi yakapiswa mechiitiko chinonzi chine zvematongerwo enyika mukati. Mwana uyu, uyo ange ave nemakore gumi nemaviri, akavigwa neChina kuHeadlands.

Madzimai aya aritidzawo kushushikana nekurohwa kwenhengo yeZanu PF inomirira Hurungwe East mudare reparamende, Amai Sarah Mahoka, avo vanonzi vakarohwa nevatsigiri vebato ravo.

Munyori wezvemadzimai muZanu-PF Womens League, Muzvare Oppah Muchinguri, vanoti vatori venhau havafanirwe kuburitsa mashoko anokurudzira mhirizhonga.

Munyori wezvemadzimai muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Amai Sibusisiwe Bhuda-Masara, vanotiwo mhirizhonga haifanire kukurudzirwa zvachose.

Sachigaro weWomens Assembly mu MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Amai Thandiwe Mlilo, vanotiwo zvakanaka kuti madzimai abatane mukushora mhirizhonga munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG