Accessibility links

Breaking News

ZEC Inotara Zuva Rekugumisira Kuti Vanhu Vachavhota muSarudzo dzeGore Rino Vanyorese


Sachigaro ZEC Justice Priscilla Chigumba

Zvichitevera kudomwa kwezuva resarudzo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, boka reZimbabwe Election Commission, ZEC, rinoti vanhu vane mazuva maviri chete kunyoresa kuti vavhote musarudzo dzegore rino.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda wavo muHarare, sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba vanoti bazi ravo rave kuzadzisa zviga zviri mumbiro remutemo wesarudzo sezvo vave kuziva zuva resarudzo.

Amai Chigumba vanoti chekutanga ndechekuti vanhu vazive kuti vanofanirwa kunyoresa kuvhota kana kuona kuti mazita avo akanyorwa zvakanaka here kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzegore rino.

Vanoti mutemo unosungira ZEC kuti ivhare kunyorwa wemazita evanhu vanoda kuvhota musarudzo dzegore rino mazuva maviri mushure mekuziviswa kwezuva resarudzo nemutungamiri wenyika.

ZEC ichamira kunyora mazita evanhu vanoda kuvhota gore rino neChishanu svondo rino, asi vanoda kuzovhota musarudzo dzichatevera vanokwanisa kuramba zvavo vachinyoresa.

Amai Chigumba vanoti dare rekutambira mapepa evachakwikwidza musarudzo, kana kuti Nomination Court, richagarawo musi wa14 Chikumi.

ZEC yazivisa kuti vose vanoda kupinda musarudzo vakasununguka kutora mapepa padandemutande ravo vonyora zvinodikanwa voenda nawo kumahofisi eZEC kwete kungomirira musi wa14 Chikumi.

Amai Chigumba vazivisawo kuti gwaro riri kunyorwa vavhoti, iro richapedzwa kunyorwa mavhiki maviri ari kutevera, richapihwa nhengo dzose dzinenge dzanyoresa kupinda musarudzo pachena asi veruzhinji vanoritenga nemutengo wakaderera kana vachirida.

Vasingaone vachayamurwa kuvhota nemunhu wavanoda kwete zvaimboitwa musarudzo dzapera zvekuyamurwa nevashandi veZEC vanenge vachivhotesa paine mupurisa.

Amai Chigumba vanoti manyepo ekuti vachawedzera nzvimbo dzekuvhotera, kana kuti ma polling station, vachiti nzvimbo 10 800 dzakakwana.

Vachipindura mibvunzo mushure mekutaura, Amai Chigumba vanoti boka ravo rine mari yakakwana yekufambisa sarudzo sezvinodiwa nemutemo.

Vanoti pari zvino vakawana mari inosvika mamiriyoni zana nemakumi mana nematatu emadhora ($143 million) pamari mamiriyoni zana namakumi mapfumbamwe nemasere ($198 million) yavainge vakumbira.

Amai Chigumba vanopedzesera nekuzivisa kuti zvinenge zvabuda musarudzo zvichaziviswa mukati memazuva mashanu vanhu vavhota.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG