Accessibility links

Breaking News

SADC Inoti Zimbabwe Ngaigadzire Gwara reSarudzo



Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, pamwe nevatungamiri nenyika dzemuSADC vanoti vanoda kuti Zimbabwe igadzirisezve nekukwenenzvera gwara resarudzo kana kuti election roadmap sarudzo dzisati dzaitwa. VaZuma ndivo mutongi gava weSADC panyaya yeZimbabwe.

Bato reZanu-PF rinoti rinoda kuti sarudzo dziitwe nechimbi chimbi asi veMDC vanoti ngapatange pagadziriswa nyaya dzemisariridzwa dzakaita sekuvandudzwa kwemauto nemapurisa, kutorwa kwenhau, kupedzwa kwemhirizhonga nezvimwe.

SADC inoti haisi kuda kuti muZimbabwe muitwe sarudzo dzine mutauro zvakare uye inotiwo Zimbabwe inofanira kutendawo kuti SADC yakashandawo zvakasimba mukuti vanhu vakawanda muZanu-PF vabviswe pazvirango.

SADC iri kutarisirwa mwedzi unouya kuita musangano wetroika wekuzeya nyaya yeZimbabwe.

Nhumwa yaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti ichokwadi kuti vanoda kuti Zimbabwe igadzirise gwara resarudzo sechisungo cheSADC Troika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika varizve mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanotiwo zvakakosha kuti SADC irambe yakamira semusambagwena panyaya yeZimbabwe.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG