Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokurudzirwa Kuti Ivandudzwe Kuti Zvinobuda Sarudzo Zvitambirike


ZESN
ZESN

Sarudzo dzakachena dzingaitika chete munyika kana ZEC ikavandudzwa uye ikagadzirisa chimiro chayo kuti isawonekwa seine divi rayakarerekera. Izvi ndezvime zvabuda pamusangano wemazuva maviri wekuzeya mafambiro akaita sarudzo dzegore rapera muBulawayo.

Chipangamazano VaDerek Matyszak vanoshanda nesangano reInstitute of Security Studies kuSouth Africa ndemumwe weavo vange vachipakurira ruzivo rwavo kuvanhu vange vari pamusangano uyu.

Vanoti maonero avo ndeekuti macommissioner eZimbabwe Electoral Commission, ZEC, haana simba uye anoudzwa zvekuita nevashandi vepamusoro veboka iri, vachitiwo masarudzirwo anoitwa macommissioner aya anofanirwa kuchinjwa, kuti mukuru wenyika asave iye anodoma sachigaro weZEC sezviri kuitika pari zvino.

VaMatyszak vanotiwo veruzhinji vane chikonzero chekushushikanawo nenyaya yekuti ZEC haitevedzeri mutemo wainosungirwa kutevedzera, wekuti ibudise gwaro rainosvitsa kuparamende rinoratidza mafambiro anenge akaita sarudzo, mukati memwedzi mitatu sarudzo dzakadaro dzapera.

VaObert Gutu vanove mutevedzeti wemutungamiri webato reMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemaonero ekuti chimiro cheZEC mumaziso everuzhinji hanchina kunaka vachiti ZEC pachayo inogona kugadzirisa izvi. Vatsigirawo kuvandudzwa kwemutemo une chekuita nemashandiro ayo.

VaTawona Mwanyisa vanovewo chipangamazano, vachipa maonero avowo pamafambisirwo esarudzo dza2018, vanoti ZEC yakakwanisa kuzadzikisa zviga zvemafambisirwo esarudzo, zveSADC, African Union nezvepasi rose. Asi vaudza Studio 7 kuti pane zvakawanda zvichiri kuda kugadziriswa.

Vachitaura pamusoro pedingindira rekuti chii chingaitwa nevemapato ezvematongerwo enyika kuti ave nemaonero pamwe pakugadzirisa zvinhu munyaya dzesarudzo, mutauriri webato reNational Patriotic Front VaJealousy Mawarire vati zvinhu zvinogadzirisika chete munyika kana vamhu vakatanga nekutaururana chokwadi.

Vati kupindira kwakaita vechiuto mune zvematongerwo enyika muna 2017 kwaive kupidigura hurumende uye chiitiko ichi chiri kuramba chichi vhiringidza zvakawanda.

Asi mumiriri weNorton mudare reparamende VaTemba Mliswa vati kubviswa kwakaitwa VaRobert Mugabe hakuna kuitwa nevechiuto asi neveruzhinji.

Vati vemapato ezvematongerwo enyika vanotadza kugadzirisa nyaya yekuve nesarudzo dzakachena munyika nekuti mumapato aya pachezvawo hamuna tsika yekuremekedza hutongi hwejekerere.

Bishop Ambrose Moyo veEcumenical Church Leaders Forum vaudza musangano uyu kuti maonero avo ndeekuti munyika hamungave nesarudzo dzakachena nekuda kwetsika yemhirizhonga, vachiti vanhu vanoiita havasungwe kana kubatwa nemutemo, uyewo nekuti munyika hamuna runyararo pamwe nekuregererana kwechokwadi.

Mukuru wesangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, iro rakakoka musangano uyu, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vati chinangwa chemusangano uyu ndechekuti vanhu vaise misoro pamwe mukuedza kuti sarudzo dzemunyika dzive dzakachena.

Vakawanda vange vari pamusangano uyu vabvumirana kuti makakatanwa pane zvinenge zvabuda musarudzo anokonzera kudzokera kumashure kwenyika mune zvehupfumi.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG