Accessibility links

Breaking News

ESR Yoshushikana neKushandiswa kweMidziyo yeHurumende Mukutsvaga Rutsigiro


Election Situation Room

Vemubatanidzwa weElection Situation Room vanoti kunyange hazvo munyika musina mhirizhonga yakanyanya yezvematongewro enyika, vanoshushikana nemashoko ari kubva munzvimbo dzakasiyana siyana munyika ekutyisidzirwa kwevanhu uye kushandiswa kwezvinhu zvehurumende mukutsvaga rutsigiro.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatapi venhau muBulawayo, nhengo dzesangano reElection Situation Room, ESR, dzati ongororo yadzakaita kusvika pari zvino munyaya dzine chekuita nesarudzo inoratidza kuti nyaya dzemhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika ishoma munyika.

Asi imwe nhengo yeESR, Reverend Useni Sibanda, vaudza Studio7 kuti mubatanidzwa wavo unoshushikana nekutyisidzirwa kwavari kunzwa kuti kuri kuitika mune dzimwe nzvimbo munyika.

Reverend Sibanda vati vanoshushikanawo nekushandiswa kwezvinhu zvehurumende nebato reZanu PF kusanganisira chikafu mukukwezva rutsigiro vachiti izvi zvinoita kuti nhandare yesarudzo ive inorerekera kudivi rimwe.

Reverend Sibanda vati ongororo yakaitwa nerimwe sangano remubatanidzwa wavo inoratidza kuti gwaro revoters roll rakamira zvakanaka asi vati pane zvakawanda zvisiri kujekeswa neZimbabwe Electoral Commission, Zec, pamusoro pegwaro iri kusanganisira kuti panguva yekuvhota gwaro iri richange rine mifananidzo yevavhoti here kana kuti kwete.

Reverend Sibanda vati vanhu vakawanda havana chivimbo chekuti Zec inoshanda yakazvimirira yega vachiti zvakakosha kuti iite zvose zvinoita kuti vanhu vave nechivimbo nayo, zvinosanganisira kuti itaure kune veruzhinji matanho ose akakosha airi kutora kuti pasave nemakakatanwa pane zvichabuda musarudzo.

Reverend Sibanda vati mubatanidzwa wavo unoshushikanawo nekuti Zec haizi kutora matanho ekuti vakaremara vave vachakwanisa kuvhota pasina zvimhingamupinyi, vakatiwo vari kuramba vachitaura neZec kuti igadzirise zvinyunyuto zvakasiyana-siyana.

Sachigaro veESR, Amai Jenni Williams, vati kunyange hazvo veruzhinji vane kodzero yekutsoropodza mashandiro eZec, ivo semunhukadzi vanoshushikana nekwavati kunyombwa kuri kuitwa sachigaro weZec, Amai Prsicilla Chigumba, vachiti izvi hazvikodzeri.

ESR inoti kutanga mangwana kusvika sarudzo dzaitwa, ichange ichitaura zvairi kuona zvine chekuitika nesarudzo kuvatapi venhau zuva nezuva.

ESR iri kukurudzirawo veruzhinji kuti vataure zvinenge zvichiitika munharaunda mavo kunyanya nyaya yemhirizhonga kana kushungurudzwa kune chekuita nezvematongerwo enyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG