Accessibility links

Breaking News

Zec Inoti Yakagadzirira Zvakakwana kuMashonaland West


Sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba

Zimbabwe Election Commission, Zec, mudunhu reMashonaland West rinoti rakagadzirira zvakakwana kuita sarudzo.

Mukuru weZec mudunhu reMashonaland West, VaAustin Ndlovu, vanoti vashandi vavo vakagadzirira sarudzo kudarika mamwe makore ose.

VaNdlovu vanoti vashandi vavo vakaenda munzvimbo dzekuvhotera mazuva maviri apfuura uye nezuro vakaswera vachiona kuti zvinhu zvose zviri kushanda here.

VaNdlovu vanoti kukosha kwesarudzo dzanhasi kwakaita kuti vaite zvose zvavanokwanisa kuti sarudzo dzive dzakachena.

VaNdlovu vanoti dambudziko rekushaikwa kwedzimotokari dzekufambisa midziyo yekuvhotesa pamwe nemafuta ekufambisa dzimotokari rakagadziriswa.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaTemba Kureya, avo vaona vashandi veZec vatove panzvimbo dzekuvhotera vanoti rwendo rwuno Zec yaratidza kurongeka.

VaKureya vanoti vanhu vamirira kuvhota uye anenge akundwa hapana chaanochema nacho.

Musarudzo dzakare Zec yaitadza kuvhura dzimwe nzvimbo dzekuvhotera nenguva uye pane dzimwe nzvimbo painge pasina zvekuvhotesa zvakakwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG