Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanotadza Kuenda Kubasa Muzuva Repiri Zvikoro Zvavhurwa


Varairidzi vari kuramba kuenda kubasa vachiti havana zvekushandisa, kusanganisira mari dzekufambisa.
Varairidzi vari kuramba kuenda kubasa vachiti havana zvekushandisa, kusanganisira mari dzekufambisa.

Varairidzi vakawanda vanonzi havana kuenda kumabasa neChipiri vachiti havana mari dzekufambisa pamwe nezvikwanisiro, pazuva repiri zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro neMuvhuro.

Varairidzi vari kuti vanoda kuti vapiwe mihoro yavo iri mumadhora ekuAmerica, uye kuti vawaniswe zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.

Mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti zvikamu makumi mapfumbamwe nezvitanhatu kubva muzana zvenhengo dzavo dzinosvika zviuru zvitanhatu nemazana mashanu ane imwe, hazvina kuenda kumabasa.

VaMasaraure vanoti ongororo yaitwa nesangano ravo inoratidza kuti zvikoro zviri mumatunhu anoti Mashonaland East, Matabeleland North neMatabeleland South ndizvo zvanyanya kusangana nedambudziko rekushaya varairidzi.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanotiwo vanofadzwa nekubatana kwaita varairidzi rwendo rwuno zvekuti vataure nezwi rimwe chete, rekuti havasi kukwanisa kuenda kumabasa nekuti havana mari.

VaMajongwe vanoti vane tarisiro yekuti kubva neChitatu varairidzi vagare pasi vatsvage nzira dzekuti vasangane nehurumende kugadzirisa dambudziko iri.

Munyori mukuru weZimbabwe National Teachers Association, VaTapson Nganunu Sibanda, vaudzawo Studio 7 kuti nhengo dzavo dzingangosvika kuzvikamu makumi masere kubva muzana hadzina kuenda kumabasa nekuti hadzina zvikwanisiro.

Asi gurukota rezvedzidzo, Ambassador Cain Mathema, vaudza Studio 7 kuti pamire hurumende ndepekuti zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro, uye varairidzi vari kuenda kumabasa.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG