Accessibility links

Breaking News

Vakuru veZvikoro Vobatana neVarairidzi Pakuti Havakwanise Kudzokera kuMabasa


Vakuru vezvikoro vabatana nevarairidzi avo vari kuti havasi kukwanisa kudzokera kumabasa sezvo vasina mari dzekufambisa.
Vakuru vezvikoro vabatana nevarairidzi avo vari kuti havasi kukwanisa kudzokera kumabasa sezvo vasina mari dzekufambisa.

Vakuru vezvikoro munyika vabatana nevadzidzisi pakutora
danho rekusaenda kumabasa panovhurwa zvikoro musi weMuvhuro vachiti
havana zvikwanisiro sezvo mari dzavanotambira dzisingavakwaniri.

Munyori mukuru musangano rinomirira vakuru vezvikoro nevatevedzeri vavo, re Zimbabwe National Union of School Heads(ZINUSH), VaMunyaradzi Majoni, vati kunyange vatungamiri vezvikoro vaine chido nebasa ravo havakwanisi kuenda kunzvimbo dzavanoshandira sezvo vasina kana kobiri.

VaMajoni vati vakanyorera nhengo dzavo pamwe nehurumende vachizivisa
danho iri zviri pamutemo. Vati sangano ravo rinoda kuti hurumende idzosere mari yemihoro payaiva muna 2018 apo vaitambira mari inosvika mazana mashanu emadhora uku America.

Vadzidzisi kubudikidza nemasangano avo anovamirira vari kutaura
zvimwechete zvo vachiti havasi kuzoisa rutsoka rwavo panzvimbo
dzavanoshandira nenyaya imwecheteyo.

Mutungamiriri wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union in
Zimbabwe(ARTUZ) VaObert Masaraure, vati havasi kuzokundikana kuenda kubasa nenyaya yekushaiwa mari dzemabhazi chete asi kuti neyekuraramisa mhuri dzavo.

Vadzidzisi vanoti hurumende inofanira kuvabhara nemari yekuAmerica
sezvo mari yemunyika iri kushaya simba zuva nezuva.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi munyika, VaTaungana Ndoro, vati
hurumende inokurudzira vadzidzisi nevakuru vezvikoro kuti vaende
kumabasa panovhurwa zvikoro nekuti vanenge varega vanobatwa nemurawu
webasa.

Vadzidzidzisi vanotambira mari isingadariki zviuru makumi matatu
emadhora emunyika kana kuti RTGS 30 000, apo sangano rinorwira kodzero dzevatengi munyika reConsumer Council of Zimbabwe, rakabudisa mashoko ekuti mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda mari inodarika zviuru makumi manomwe zvemadhora emunyika, kana kuti 70 000 kuti irarame pamwedzi.

Nyaya yeZvikoro ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG