Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inonyorera Hurumende Tsamba Ichikurudzira Musangano Zvikoro Zvisati Zvavhurwa


Munyori wesangano rePTUZ, VaRaymond Majongwe
Munyori wesangano rePTUZ, VaRaymond Majongwe

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, ranyorera bazi redzidzo yepasi tsamba richikurudzira kuti paitwe musangano wekuzeya gadziriro dzekuvhurwa kwezvikoro dzinosanganisira mapoka ose ane chekuita nedzidzo, kwete kuti hurumende iite zano ndega.

Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo ratora danho iri mushure mekuona pamwe nekunzwa kuti hurumende yave pamberi panyaya yegadziririro yekuvhurwa kwezvikoro kuburikidza nemashoko ari kubuda mumapepanhau, madandemutande pamwewo nezvavari kuona pasi, asi ivo vasiri kuiswawo mazviri.

VaMajongwe vanoti zvimwe zvezvinhu zvavanoda kuti zvikurukurwe zvikoro zvisati zvavurwa zvinosanganisira nguva yasara yedzidzo mugore ra2021 uye kuti makotoro etemu yepiri neyetatu angafambiswa sei, kuiswa kwevamwe varairidzi muzvikoro zvine varairidzi vakashaya neCovid-19, uyewo nyaya dzemashandiro evarairidzi.

Bepanhau reHerald rinoti hurumende iri kushanda nemamwe mapoka anokodzera mukuona kuti gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro iri mugwara.

Izvi zvinotevera kushanya nemusi weChina kudunhu reMasvingo kwegurukota redzidzo yepasi, VaCain Mathema, vachiona mafambiro ari kuita gadziriro yekuti zvikoro zvivhurwe zvisingaise vana pamwe nevarairidzi munjodzi yeCovid-19.

VaMathema vakaudza bepanhau reHerald kuti vamwe vatungamiri vezvikoro zvavakashanyira vakati vakagadzirira kuvhura zvikoro chero nguva kana mutungamiri wenyika vakangopa mvumo yekuti zvivhurwe.

Bazi redzidzo kuburikidza nemutauriri waro, VaTaungana Ndoro, ratenda kuti ratambira tsamba yesangano rePTUZ iyi, asi vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Hurumende yakaendesa mberi nemamwe masvondo maviri kuvhurwa kwezvikoro kumusi wa 10 Nyamavhuvhu, unove Chipiri chinouya, asi hazvisati zvazivikanwa kuti izvi zvichabudirira here pachitariswa kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 munyika.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG