Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yakagadzirira Kuvhurwa kweZvikoro, PTUZ Ichiti Zvikoro Hazvina Kugadzirira


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti zvikoro zvave kukwannisa kuvhurwa pachiteverwa mitemo yeCovid-19 yakatarwa neW-H-O.

Bazi redzidzo yepasi rinoti rakagadzirira kuvhurwa kwezvikoro chero nguva, kana chete rakangopiwa zuva rekuvhurwa kwezvikoro nedare remakurukota.

Izvi zvinotevera mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa ekuti zvikoro zvinofanirwa kuchigadzirira kuvhurwa pachiteverwa mitemo yekudzivirira Covid-19 yakatarwa nesangano reWorld Health Organisation, W-H-O pamwe nebazi rezvehutano.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya neMuvhuro vachizivisa nezvekunyevenutswa kwemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti Lockdown.

Mutungamiri wenyika vakati vakatora danho rekunyevenutsa mutemo uyu mushure mekuona kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 hwaderera, kunyange hazvo vakakurudzira veruzhinji kuti varambe vakangwarira kuchirwere cheCovid-19.

Asi mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti havaoni zvikoro sezvakagadzirirra kuvhurwa sezvo vasiri kuona hurumende ichiita zvavanotarisira, zvakaita sekufiritwa kwezvivakwa pamwe nekutengwa kwembatya dzekudzivirira hutachiwana hunokonzera Covid19.

Vanotiwo hurumende inongoita zvinhu zvayo ichivasiya kunze, izvo vanoti zviri kukanganisa gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro kudivi revarairidzi.

VaZhou vanotiwo zvichemo zvevarairidzi zvinosanganisira mihoro yavaitambira muna 2018 zvinofanirwa kutanga zvagadziriswa zvikoro zvisati zvavhurwa.

VaZhou vanoti izvi zvinozobatsira kuti varairidzi vasazoramwa mabasa pakati varairidzi vave kuramwa mabasa.ngatinzweyi vachitsanangura.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti sebazi vanotambira nemufaro mashoko emutungamiri wenyika VaMnangagwa, ekuti zvikoro zvave kukwanisa kuvhurwa, vachiti vakatogadzirira, uye vangomirira kunzwa kuti dare remakurukota richati zvovhurwa riini.

VaNdoro vanoti gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro yave pamusorosoro, uye svondo rapera vakanga vari mushishi kufambira zvikoro vachiona kuti zvakagadzirira zvakadii mukudzivirira kupararira kweCovid-19, kuitira kudzvirira kutapuriranwa kwedenda muzvikoro.

Panyaya yekuti bazi ravo riri kusiya varairidzi muzvirongwa zvaro, VaNdoro vanoti ayo manyepo chaiwo nekuti pese pavanopinda muzvikoro vanototi vange vaine vakuru vezvikoro kana varairidzi vavanosangana navo, vazhinji vacho vanove nhengo dzemasangano anomirira varairidzi.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG