Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoyambira Varairidzi Vasiri Kuenda kuMabasa Kuti Havasi Kuzobhadharwa


Varairidzi vari kuchema kuti mari dzavari kutambira hazdisi kuvakwanira, asi hurumende inoti iri kugadzirisa zvechemo zvevashandi vayo.
Varairidzi vari kuchema kuti mari dzavari kutambira hazdisi kuvakwanira, asi hurumende inoti iri kugadzirisa zvechemo zvevashandi vayo.

Hurumende iri kuyambira varairidzi vasiri kuenda kumabasa pamwe neavo vari kuitisa vana zvidzidzo munguva dzisiri dzebasa vachibhadharisa mari, kana kuti private lessons, kuti vachanyimwa mihoro yavo kana kudzingwa mabasa.

Gurukota rezvedzidzo yepasi VaCain Mathema vaudza bepanhau reHerald kuti bazi ravo rave kuzoshandisa mutemo wekuti kunobhadharwa chete varairidzi vari kuenda kumabasa vachinoshanda, vachiti vasiri kuenda kubasa kana kuti vari kuenda kubasa asi vasinganoshanda havabhadharwi kutanga izvozvi.

VaMathema vatiwo vakumbira vakuru vezvikoro kuti vanyore mazita evarairidzi vasiri kushanda bazi ravo rozotumira mazita aya kuPublic Service Commission kuitira kuti vasiri kuenda kumabasa vasabhadharwa.

Panyaya yevarairidzi vanonzi vari kuitisa zvidzidzo munguva dziri kunze kwebasa vachibhadharisa mari, hurumende yati pane vamwe varairidzi vari kunzi havachaiti mabasa avo vachingomirira kudzidzisa vana vachibhadharisa, danho rainoti haribvumidzwi uye iri kuita ongororo yekutsvaga vari kutyora mutemo ava.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaMathema kuti tinzwe zvizhinji. Asi danho rehurumende iri riri kuuya panguva iyo vashandi vehurumende vese vakatozivisa kuti havachakwanise kuenda kumabasa mazuva ose nekuda kwekushaya mari dzekufambisa.

Vashandi vehurumende vari kuti vari kuda kuti mihoro yavo idzokere pamari dzavaitambira muna Gumiguru 2018, dzinoita madhora mazana mashanu nemakumi maviri emari yekuAmerica.

Asi hurumende inoti iri kugadzirisa zvichemo zvevashandi vayo kuburikidza nemisangano iri kuitwa pakti pevamiriri vehurumende nevamiriri vevashandi.

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi, re Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti danho ratorwa nehurumende iri rinotyisa uye rinoratidza kuti hurumende haidi vashandi vayo.

Asi VaMajongwe vanoti hapana charinoshandura sezvo vashandi vasina mari dzekufambisa.

Panyaya yekuti vasiri kuenda kumabasa vacharangwa, VaMajongwe vanoti havaoni hurumende ichikwanisa kutora matanho nekuti mushandi wayo wese haasi kuenda kubasa, zvinoreva kuti inotoda nguva ndefu kuti ipedze kuranga vashandi vese, avo vavanoti vanodarika zviuru zana nemakumi maviri.

Vanotiwo sangano ravo richarwira varairidzi kuti vashashungurudzwa.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG