Accessibility links

Breaking News

Kuderera kweHuwandu hweZvinhu Zviri Kutengeswa Kunze Koomesera Nyika


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mugore rino ra2017 hurumende inofanira kusunga dzisimbe kuti hupfumi hwenyika hubude mumadhaka mahuri.

Izvi zvinotevera mashoko kubva kubazi reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTAT ekuti huwandu hwezvinhu zviri kutengwa neZimbabwe kunze zvichienzaniswa nezvainotengesa kana kuti “trade deficit” hwakaderera gore rapera kusvika pamabhiriyoni maviri nezviuru zvitatu zvemadhora kubva pamabhiriyoni matatu emadhora muna 2015.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi hadzisi kuwirirana kuti chii chakapa kuti huwandu hwezvinhu zvinotengeswa kunze huderere.

Vamwe vanoti inyaya yekuti hurumende yakaparura chirongwa che Statutory Instrument 64 (SI64) cha2016 senzira yekudzivirira kutengwa kwezvimwe zvinhu kunze kwenyika.

Ichi ndicho chido chegurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, avo vanoti chirongwa ichi chakanangana nekubatsira vemaindasitiri emunyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti SI64 yabatsira kudzikisa huwandu hwezvinhu.

Asi mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, avo vaimbova gurukota rezvehupfumi vanoti nyaya yehurumende yekuomesera vanhu vanoda kutenga zvinhu kunze nekushaya mari zvapa kuti zviomere vemabhizimisi.

Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVince Museve, vati mari yekunze haimo munyika.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaBusisa Moyo, vanoti zvikakonzerwawo nenyaya yekuti zvinhu zviri kugadzirirwa zvishoma.

Makare Zimbabwe yaizivikanwa sehurudza yedunhu rekuchamhembe kweAfrica asi mazuva ano hupfumi hwaita marengenya. Nyika yaitengesa zvirimwa nezvicherwa kunyika dzakawanda.

VaMoyo vanoti nyika yakakomborerwa nezvinhu zvakawanda zvainokwanisa kutangazve kutengesa.

VaMoyo vanotiwo kudhura kuri kuita zvinhu zviri kugadzirwa munyika kuri kupawo kuti zvinetse kutengesa kunze.

VaMuseve vati zvakakosha kuti hurumende igadzirise mitemo yayo kuti ikwezve vekunze kuti vazotanga mabhizimisi munyika kuti isarambe ichiita saNgewacho anoti akafuka jira idzva rinotsva.

VaBiti vanoti hurumende iripo haina chido chekugadzirisa zvinhu zviri kunetsa nekuti inongoita kutondomeka kubara kwemazizi.

Zimbabwe, iyo iri kutarisirwa kuparura chimwe chirongwa chekutengeserana gore rino, yakakundikana pachinangwa chayo chekuwedzera zvainotengesa kubva pamabhiriyoni mana nezviuru mazana matatu muna 2011 kusvika pamabhiriyoni manomwe muna 2016.

Panyaya dzekutengeserana zimbabwe inonyanya kudyidzana neSouth Africa, Singapore uye China.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG