Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobvuma Kuti Hukasha Hauumbe Hupfumi hweNyika


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa
Musangano wemazuva maviri wekuzeya kuti Zimbabwe ingadyidzane sei nedzimwe nyika watanga neMuvhuro muHarare hurumende ichiti yave kuda zvekudyidzana nenyika dzekunze uye haichada zvekurwisana kana kukakavadzana nenyika idzi, kanawo nemasangano ekunze.

Vachitaura apo vavhura musangano uyu, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vati Zimbabwe iri kuumba mitemo nehwaro hwekudyidzana nedzimwe nyika uye haichada zvehondo nenyika idzi.

Asi VaChinamasa vati nyika dzekunze dzinofanirawo kutsigira zviri kuitwa neZimbabwe nekubvisa zvirango zvehupfumi zvadzakatemera nyika vachiti izvi zvinoita kuti Zimbabwe ikwanise kumutsiridza hupfumi hwayo sezvo inenge yave kuwana rubatsiro rwemari kubva kunyika dzekunze.

Asi vakawanda vapinda mumusangano uyu vatiwo zvinonetsa kuti Zimbabwe idyidzane kana kushanda nenyika dzekunze nekuti haisi kutevedza bumbiro rayo remutemo.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, VaDzimbabwe Chimbwa veZimbabwe Lawyers For Humans Rights, nyanzvi munyaya dzemitemo musangano re Research and Advocay Unit, VaDerek Matysazak, pamwe nevaimbova gurukota rezvebumbiro remutemo, VaEric Matingenga, vati zvakakosha kuti Zimbabwe ivandudze mitemo yayo kuitira kuti iinderane nebumbiro idzva vachiti izvi zvinoita kuti vekunze vave nechivimbo chekuti zvinhu zvave kufamba zvakanaka munyika.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vaive chipangamazana pekuumbwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, VaAlex Magaisa, vanoti vekunze havagoni kuzotanga mabhizimisi munyika kana munyika musingatevedzwe bumbiro remitemo.

VaMagaisa vanoti zvinosuwisa kuti gore rave kupera bumbiro idzva ravepo asi pasina chati chaitwa mukugadzirisa mitemo yenyika kuti ienderane nebumbiro renyika.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaFortune Chasi, vaudza musangano uyu kuti hurumende iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa mitemo kuitira kuti ipindirane nebumbiro idzva asi vakati hurumende haina vashandi vakakwana.

VaChasi vati zvakakoshawo kuti vanhu vese munyika, kusanganisira vatungamiriri, vetevedze bumbiro renyika.

Vachitaurawo pachiitiko ichi muzvinafundo Philani Zamchiya, avo vanodzidzisa kuOxford University muBritain, vanoti kuti zvinhu zvifambe munyika mapazi ehurumende anofanira kusiyana nezvematongerwo enyika sezvo izvi zviri kuvhiringa mashandiro ehuruemende.

VaZamchiya vatiwo zvakakosha kuti mapato ezvematonmgerwo enyika atevedze bumbiro renyika .

Musangano uyo wakarongwa ne Southern Africa Political Economy Series ichitsigirwa neNational Endowment for Democracy yemuAmerica.

Dingindira remusangano uyu rinoti Zimbabwe Going Forward, Consolidating The Democractisation process Re-engagement with the Global Community uye uri kupindwa nevamiriri venyika dzeAmerica, Europe, Brazil, India nenyika dzemuAfrica, nyanzvi munyaya dzakasiyana siyana pamwe nemapato ezvematongerwo enyika muZimbabwe.
XS
SM
MD
LG