WASHINGTON —
Gwaro raburitswa nechikwata che International Monetary Fund, IMF, chakashanyira Zimbabwe muna Mbudzi rinoratidza kuti hukama hweZimbabwe nebhanga guru rinokweretesa mari iri hunogona kunetsa nekuti Zimbabwe iri kutadza kuzadzikisa zvibvumirano zvayakanyorerana nebhanga iri pasi.
Munguva yehurumende yemubatananidzwa, Zimbabwe yakanyorerana chibvumirano ne IMF cheStaff Monitored Program chakanangana nekuti nyika ipihwe rubatsiro rweruzivo rwekuti ikwanise kubhadhara chikwereti chayo chekunze chinosvika mabhiriyoni matanhatu.
Chikweti ichi ndicho chiri kupa kuti Zimbabwe isakwereteswe mari sezvo iri kutadza kudzora mari yayakakwereta.
Chimwe chibvumirano pasi pechirongwa cheStaff Monitored Program ichi ndechekuti Zimbabwe ideredze huwandu hwevashandi vehurumende sezvo vari kutora mari yakawanda inosvika zvikamu makumi masere nezvishanu zvemari yehurumende.
Asi IMF inoti mumwedzi mitanhatu yegore rapera, kubva muna Kukadzi kusvika muna Gunyana, hurumende yakapinza vamwe vashandi vanodarika zviuru gumi basa.
Gurukota rezvevashandi vehurumende, VaNicholas Goche, vanoti havana chavangataure sezvo vasati vaona ongororo yakaitwa neIMF iyi.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange yakadzimwa.
IMF inotiwo hupfumi hweZimbabwe huchakwira nezvikamu zvinoda kusvika pashanu kubva muzana, kana kuti 4, 8%, kwete zvinopfuura zvishoma zvikamu zvitanhatu, kana kuti 6, 1% zvakataurwa nehurumende payakatura bhajeti regore rino.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaEric Bloch, vaudza Studio7 kuti vanotenderana ne IMF pazvikamu zvainoti hupfumi huchakwira nazvo.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti havatenderane neongororo yeIMF nekuti hakuna chinobuda pahupfumi kana Zimbabwe isina kukwanisa kuwana mari yakawanda yekuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi.