Accessibility links

Breaking News

Hupfumi hweNyika Hworamba Huchitatarika


India US Debt Showdown
India US Debt Showdown
Pave kuda kusvika mazuva zana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatoresa mhiko makurukota avo vachivimbisa kuti vachazadzikisa zvakavimbiswa nebato ravo reZanu-PF musarudzo kuti chinangwa charo chikuru ndechekugadzirisa nyaya yehupfumi.

Asi zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvinenge zvotonyanya kuipa izvo zvava kukonzera kuti vakawanda vatyire kuti zvave kudzokera zvakare kumawere kwazvainge zvasvika pasati paumbwa hurumende yemubatanidzwa.

Chikuru chinonzi chiri kupa kuti zvinhu zvinetse inyaya yekushaikwa kwemari. Izvi zviri kupa kuti vanhu vakawanda munyika varasikirwe nemabasa nekuda kwekuti makambani haasi kushanda zvakanaka nekuda kwekushaya mari, magetsi, mvura uye michina yechizvino zvino yekuti akwikwidzewo nevekunze.

Asi nekuda kwekugumurwa kwevanhu vakawanda mumabasa, zvave kupawo kuti zvinhu zviri kugadzirwa zvishaye anotenga, uku muzvitoro zvinhu zvakazara, mamwe makambani achivharwa.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vari kumboyedza kutsvaga mari kumabhanga akaita se International Monetary Fund, IMF, neWorld Bank, asi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida sezvo vari kuda kukweretwa ava vari kuti vanoda kuti Zimbabwe itange yabhadhara zvikwereti zvayo isati yatora zvitsva.

Makare Zimbabwe munguva yakadai yaiguma yodhinda mari asi ikozvino ave matakadya kare nekuti nyika yave kushandisa mari yekunze yaisingakwanise kuti idhinde.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zvimwe zviri kuita kuti hupfumi hwenyika huende kumawere, inyaya yekuti Zimbabwe haisi kurima zvakawanda sezvayaiita hurumende isati yabvutira vachena mapurazi avo. Kurima kwaiunzira nyika mari yakawanda yekunze.

Asi mazuva ano kurima kwava pasi pemighodhi, iyo iri kupinza zvikamu makumi maviri kubva muzana, zvemari inodiwa nenyika pagore.

Mukuru wesangano reEmployment Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukari, vanoti panoda mushandira pamwe pakati pevanhu vose vemunyika kuti zvinhu zvigadziriswe munyaya dzehupfumi.

Mashoko aya atsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, avo vanoti hurumende inofanira kudzika mitemo inokwezva vekunze.
XS
SM
MD
LG