Accessibility links

Breaking News

Vanozvibatira Mabasa eMaoko Votambira neMufaro Kuvhurwa kweNzvimbo dzeKutengesera muHarare


Kanzuru yeHarare yazivisa kuti musika weMbare unogona kuvhurwa chero nguva sezvo wawe kupera kuvandudzwa kuti ufambirane nehutsanana.

Kanzuru yeguta reHarare inoti boka revanorarama nekuzviitira mabasa emaoko ravhurwa zvakare muguta iri asi pachiteverwa zvakasimba mitemo yezvehutano yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Kanzuru yazivisa nezvekuvhurwa kwemusika weCopacabana Traders Mall, uko vachange vachitengesera mumusika uyu vachange vachibhadhara madhora mashanu emari yekuAmerica pazuva.

Kanzuru yazivisawo kuti musika mukuru weMbare wave pedyo nekuvhurwa zvichitevera kuvandudzwa kwawanga uchiitwa kuti ufambirane nenyaya dzekuchengetedzwa kwehutsanana.

Vanorarama nekutengesa vanoti vanotambira nemufaro kuvhurwa zvakare kwenzvimbo dzekutengesera uku vachiti vazhinji vavo vanga vave kunonga svosve nemuromo kubva pakadzikwa mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Mukuru wesangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzayi, vanoti vanotambira danho iri nemufaro asi vanofunga kuti madhora mashanu ari kunzi vanhu vabhadhare pazuva imari yakawandisa.

Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio 7 kuti musika weCopacabana Traders’ mall hausi pasi pekanzuru yeHarare izvo zvinoita kuti vasave nechekuita nekutarwa kwemari dzinobhadharwa nevanhu pazuva.

Vakafanobata chigaro chemukuru weSurvival Vendors Union of Zimbabwe, VaObey Mwariwangu, vatiwo sesangano vanotambira danho rekuvhurwa zvakare kwemisika iri, asi vanoona sekunge mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 yakanyanya kuomera vanhu.

VaMwariwanguu vanoti vanotengesa ava ndivo vachange vachitarisirwa kutenga voga mishonga inouraya hutachiwana pamwe nema face mask, izvo vanoti zvinogna kudhurira vakawanda.

Hatina kukwanisa kubata varidzi veCopacabana Mall kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG