Accessibility links

Breaking News

Vemabhizimusi Vokurudzira Kuumbwa kweBhanga Rinomiririra Zvido zveMaindasitiri


Bhanga renyika reReserve Bank of Zimbabwe
Bhanga renyika reReserve Bank of Zimbabwe

Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries rinoti kuti vemabhizimisi vakwanise kukwereta mari zviri nyore nemutengo wakaderera zvakakosha kuti paumbwe bhanga rakamirira zvido zvavo chete sezviri kune mamwe mapazi.

Mashoko anouya apo vakawanda vari kugunun’una kuti mutengo wekukwereta mari kana kuti mainterest rates akanyanya kukwira muZimbabwe zvopa kuti kumutsiridza kana kutanga mabhizimisi kunetse.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries VaSifela Jabangwe vanoti kuumba bhanga rinotarisa zvido zvevemaindasitiri chete kuno batsira mukumutsiridza makambani ari kutatarika.

VaJabangwe vatiwo mutengo wekukwereta mari munyika wakakwira zvikuru zvinopa kuti vemabhizimisi vaomerwe nezvinhu.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vanoti nyaya yekushaikwa kwemari yekubatsira makambani ndiyo yakavasunda kuti vaparure chirongwa chainzi Distressed Industries and Marginalised Areas Fund munguva yehurumende yemubatanidzwa.

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vanoti mukuyedza kubatsira vemabhizimisi ava, ndokusaka vakavapa mari inosvika zvikamu zvishanu kubva muzana pane vanenge vatengesa zvinhu kunze kwenyika.

Vaimbotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce VaLuxon Zembe vatendawo kuti mari yemutero pazvikwereti yakakura zvakanyanya.

Ko chii chiri kupa kuti mari iyi iuye nemutengo wakakura kudai? Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute Doctor Godfrey Kanyenze vanopindura.

Hurumende inoti sezvo yakatemerwa zvirango nenyika dzakabudirira hakuna kumwe kwaingawane mari. Hurumende inoti yakatemerwa zvirango iyi nenyaya yekuti yakatora minda kuvachena ichipa vatema.

Asi veIMF neWorld Bank vanoti Zimbabwe yakakundikana kubhadhara mari yezvikwereti. KuWorld Bank neAfrica Development Bank, Zimbabwe ine mari yakawedzerwa pachikwereti kana maarrears inodarika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wevadzidzi paZimbabwe Ezekiel Guti University Doctor Gift Mugano vanoti nenyaya yezvikwereti chine Zimbabwe ichi vemabhizimisi vanoomerwawo kana vokwereta mari kunze kwenyika.

Ko kunyika dzakaita seSouth Africa zviri nyore here kukwereta mari? VaAlbert Mandizvidza avo vane kambani inonzi Peakford Management ine muzinda muSouth Africa vanoti sezvo South Africa ichine bhanga guru richiri kushanda, rine chekuita nemari dzinoripiswa vanokwereta kana kuti ma interest rate.

Vanoti bhanga guru iri rine mari dzarinochaja vemabhanga vanokwereta kwariri dziri pazvikamu zvitanhatu kubva muzana, uyewo vemabhanga vane mari dzavanozochajawo vanokweretawo kwavari dziri pazvikamu gumi kubva muzana.

Chikwereti chehurumende kumabhanga ari munyika chave kusvika pamabhiriyoni manomwe. Mabhizimisi munyika ave nenguva achitatarika zvapa kuti vanhu vakawanda vashaye mabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG