Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Kuti Kukwira kweMitengo Kuchanetsa Kumisa


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nezuro vakaudza makurukota ehurumende kuti mukupera kwemwedzi unouya vange vave nemagwaro anoratidza zviri kuda kuitwa mumakore mashanu anotevera nemapazi avo.

VaMnangagwa vanoti vanoda kuzadzikisa chirongwa chehurumende chekugadzirisa hupfumi mumakore mashanu anotevera kana kuti National Development Strategy One, kana kuti NDS1.

Chirongwa chehurumende ichi chakatanga gore rino chichipera muna 2025. Mnangagwa vakataura mashoko aya kuState House uko kwakaitirwa musangano wedare remakurukota.

Chirongwa ichi chakananganawo nekuumba mabasa, kubhadhara zvikwereti uye kudzikisa nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vari kuyambira kuti kugadzirisa nyaya ye inflation kuti ive pasi pezvikamu gumi kubva muzana kana kuti 10% kuchanetsa kuzadzikisa sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira zvakanyanya mumwedzi miviri yadarika

Zimstats inoti inflation pari zvino iri pazvikamu mazana matatu nemakumi matanhatu nemaviri kubva muzana kana kuti 362.63 percent.

Kuti tinzwe zvizere nezvenyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu, Blessing Zulu weStudio 7 aita hurukuro naVaBhoroma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG