WASHINGTON —
Kambani ye Econet, iyo ine chirongwa chekutumira mari kunzvimbo dzakasiyana siyana muZimbabwe cheEcoCash, inoti yava kupinda nechirongwa ichi muSouth Africa.
Kambani iyi inoti chirongwa ichi chichatanga munguva pfupi inotevera. Vachitaura neStudio 7 neChina, mukuru we Econet Wireless, VaDouglas Mboweni, vanoti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka munyika izvo zvaita kuti kambani iyi ide kutanga kuchiita pakati peZimbabwe ne South Africa.
VaMboweni vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvinoshanda muSouth Africa zvanga zvichitarisana nedambudziko rekutumira mari kumba vachienda kunomira mumitsetse kumahofisi eMoneygram ne Western Union.
Vamwe vanonzi vanotumira mari idzi nehama, idzo dzinozotadza kusvitsa mari idzi. Asi VaMboweni vanoti izvi achange ava manyakare muSouth Africa, kana kambani yavo ikaparura chirongwa ichi chekushandisa mbozhanhare kutumira mari.