Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votadza Kutamba Zororo Zvakanaka Sezvo Vasina Mari


Dambudziko rekushaikwa kwemari iro riri kuramba richienderera munyika rave kukanganisa hurongwa hweveruzhinji hwezororo reEaster neIndependence vamwe vachitiwo rusununguko haruchina zvarunoreva nekuda kwekutambura kuri kuita vanhu vakawanda zuva nezuva.

Veruzhinji vanowanzotora mukana wezororo reEaster kuti vave pamwe chete nehama neshamwari uye vakawanda vemumadhorobha vachishanyira hama dzavo dziri kumaruwa.

Asi nekuda kwekushaikwa kwemari vakawanda vanoti havana hurongwa hwezororo iri hwavakakwanisa kuita.

Mumwe mugari wemuBulawayo, VaJerry Zingwevu, vanoti mumakore apfuura vaishandisa mukana wezororo reEaster kuti vaende kumusha asi rwendo runo vachapedza zororo iri vari pamba sezvo vasingakwanise kuwana mari yekuti vafambe.

Mumwezve mugari wemuBulawayo, Muzvare Ndumeya Moyo, vanoti vakawanda vave kutowona zviri nani kuchengetedza mari shoma yavanenge vawana, kuti vagobhadhara mari yechikoro yevana kana zvimwewo zvakakosha, pane kuti vaende kuzororo.

Sachigaro veZimbabwe Christian Alliance, Reverend Ray Motsi, vanobvuma kuti kunyange hazvo vanhu vakawanda muZimbabwe vari vechitendero chechiKristu, veruzhinji vakatarisana nematambudziko akawanda ari munyika zvekuti vakawanda vavo havana nguva yekufunga nezvezororo iri kana reIndependence.

Reverend Motsi vanoti zvakaksoha kuti vemachechi varambe vachikurudzira vanhu kuti vasarase tariro.

Gore rino, zororo reEaster rakabatana nezororo reIndependence, apo Zimbabwe iri kusvitsa makore makumi matatu nemanomwe yawana kuzvitonga.

Asi VaZingwevu vanoti vanhu vakawanda, kunyanya vechidiki, havachawone kukosha kwekucherechedza zuva reIndependence.

VaZingwevu vanoti izvi hazvishamise veruzhinji vari kushushikana nematambudziko avari kusangana nawo mukurarama kwavo zuva nezuva.

Mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre For Public Engagement, VaButler Tambo, vanobvumirana nemawonero ekuti nyaya yekushaikwa kwemari iri kuvhiringidza hupenyu hwevanhu kunyange hweavo vangadai vari kufara kuti rusununguko rwakavapa pundutso.

VaTambo vanotiwo kunyange hazvo pane zvakawanda zvakanaka zvakaitwa nehurumende kubva nyika payakawana kuzvitonga, kuwondomoka kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika ndiko kwoita kuti vakawanda vasaone kukosha kweIndependence.

Vamwe vanoti matambudziko ari munyika ari kukonzerwa nekutadza kutungamira nyika kwaVaRobert Mugabe pamwe nebato ravo reZanu PF, asi ivo VaMugabe vanogara vachishora kwavanoti kupindira munyaya dzeZimbabwe kunoitwa nenyika dzekumadokero dzinosanganisira Britain neAmerica.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti VaMugabe vanofanirwa kuzvishora ivo nokuti ndivo vari kukonzeresa kuondomoka kwehupfumi hwenyika, kubudikidza nekutonga nedemo kwavanoita.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG