Accessibility links

Breaking News

Dynamos neHarare City Dzorwira Mukombe weChibuku Super Cup


Seorang petani memanen kubis (kol) saat terjadi letusan Gunung Sinabung di Kabupaten Karo, Sumatra utara.
Seorang petani memanen kubis (kol) saat terjadi letusan Gunung Sinabung di Kabupaten Karo, Sumatra utara.

Chikwata chichamirira Zimbabwe mumakundano e 2016 Caf Confederation Cup chichazivikwana neMugovera mushure memwedzi mitatu yemaroto.

Kuchange kune makuwerere munhandare yeNational Sports Stadium apo Dynamos neHarare City dziri kudamburana mufainari yeChibuku Super Cup kwapera mwedzi mitatu makundano aya atanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvikwata izvi zvasangana kaviri gore rino mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer League, asi mitambo iyi yese yakapera iri mangange 0-0.

Asi neMugovera hapana mangange sezvo mutambo uyu ukapera wakadai panguva yakatarwa panowedzerwa imwe nguve izvi zvikaramba mutambo uyu unoenda kumapenareti,

Pamusoro pemari inoita iyo zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora, chikwata chichakunda chichanomirira nyika zvekare mumakwikwi e 2016 Caf Confederation Cup.

Mushure mekukundwa neFC Platinum nemapenareti mufainari yegore rapera, murairidzi weHarare City, Taurayi Mangwiro, anoti chinangwa chavo kurova Dynamos nekutamba muAfrica.

Chikwata ichi change chichibaka moto mumakundano aya nekurakasha zvimwe zvikwata zvine mutsindo.

Munharaunda yekutanga Harare City yakadambura Buffaloes 4-1, ndokutevera izvi nekurova Triangle 5-0. Mumutambo wavakapedzisira kutamba Harare City yakaparadza ZPC Kariba 4-1.

Francisco Zikumbawire, William Manhondo na Kudakwashe Kumwala vari kutarisira kudambura mambure zvekare vachiwedzera pazvibodzwa zvavakaunganidza pari zvino.

Asi chikwata ichi hachisati chakunda Dynamos kubvira muna 2012 apo chakapinda muPremier Soccer League.

Zvikwata izvi zvasangana mumitambo minomwe, Dynamos ikakunda mumitambo mina, mitatu yacho ikaita mangange.

Vemumusha weDynamos vanoti zvemukombe weligi zvaramba gore rino vachiti ivo mukombe weChibuku Super Cup ndiyo yave tarisiro yavo.

Mutungamiri wevatambi, Ocean Mushure, anoti Chibuku Super Cup ndiyo ine mari iri pedyo zvekuti chinangwa chavo kuisa mari iyi muhomwe mitambo yeligi yasara yozotambwa zvayo.

Kunyange mubati wehomwe weDembare, VaWebster Marechera, vanoti mari yavatarisana nayo yakakosha zvikuru mukuedza kugadzirisa nhamo dzavakatarisana nadzo.

Muteveri wenhabvu asi asingafarire Dynamos, kana Harare City, asi achitsigira Caps United, VaKingstone Musekiwa, vanoti mutambo uyu unenge wakaoma zvikuru asi Dynamos sechikwata chajaira kutamba mitambo yakadai, ichakunda.

Mukombe weChibuku Super ndiwo wega wasara mushure mekuwira pasi kweMbada Diamonds Cup pamwe neOne Wallet Cup nemhaka yekushaikwa kwemari.

Chikwata chichakundwa mufainari iyi chichawana mari inoita iyo zviuru makumi mashanu emadhora.

XS
SM
MD
LG