Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yokweshana neCAPS United neSvondo


Vatsigiri veCaps United
Vatsigiri veCaps United

Vatsigiri veDynanos vanovimba kuti kutambura kwechikwata chavo kuchapera nekurova Caps United mumutambo weHarare Derby muNational Sports Stadium neSvondo.

Dynamos iri kutaririka zvinotyisa zvekuti chikwata chine mukurumbira ichi chatora mapoinzi matatu chete kubva mumitambo mitanhatu izvo zvasiya Dynamos iri pachinhanho chechipiri kubva pasi pasi mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League.

Asi kaputeni weDynamos, Ocean Mushure, anoti kutambura kwavo kuri kupera neSvondo nekurova Caps United mumutambo wanga wakamirirwa nevakawanda weHarare Derby muNational Sports Stadium.

Mumwe muteveri weDembare, VaTatenda Makazhu, vanoti vanzwa nekudyiwa asi paCaps United ndipo pavachasimukira sezvavanongoita mwaka yese.

Pakapedzisira kutamba zvikwata zviviri izvi, Caps United yakarohwa 2-0 nezvibodzwa zvakakandwa naChristian Epoupa uyo achange asimo mumutambo uyu mushure mekusiya basa nemhaka yekusabhadharwa.

Dynamos ikarohwa kana kuita mangange ZPC Kariba ikakunda Chicken Inn, Dynamos inobva yawira pasi pasi chaipo pemakundano aya.

Zvichakadaro, chikwata chiri pamusoro pemakundano eligi aya cheFC Platinum chiri kutarisira kutora mamwe mapoinzi matatu ese matatu apo chiri kushanya kuBulawayo kunosangana neBulawayo Chiefs mwangwana.

FC Platinum ine mapoinzi gumi namatanhatu, yakaenzana neNgezi Platinum iyo ine mutambo wakapfava neMutare City Rovers muBaobab Stadium kuMhondoro-Ngezi mangwana zvekare.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Highlanders v ` Shabanie Mine

Chapungu v Herentals

Yadah v Nitchrut

ZPC Kariba v Chicken Inn

Bulawayo City v Triangle

Harare City v Black Rhinos

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG