Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheDynamos Chotenga Vatambi Vatsva


Chikwata chine mukurumbira, cheDynamos, chabatana nezvimwe zvikwata kutsvaga vatambi vatsva vakatarisana nekuita zviri nani pane zvavakaita mwaka wapera apo vakapedza gore rese vachirwisana nekuramba vari mugungano reCastle Lager Premier Soccer League.

Dynamos yatenga Hillary Bakacheza kubva kuTriangle na Carlos Mavhurume kubva kuHerentals uyezve vatambira Edward Sadomba uyo adzoka kuchikwata ichi kubva kuLibya uko aitambira Al Hilal iyo ine mukurumbira muAfrica.

Hilary anobva mumhuri yenhabvu ine mukurumbira inosanganisira Raphael na Maxwell avo vakaita mbiri vasati varegedza zvenhabvu uyezve Sadomba anozivikanwa zvikuru nekukanda zvibodzwa pamadiro.

Ava ndivo vatambi vekutanga varaurwa neDynamos panguva iyo zvimwe zvikwata zvatove nevatambi vavo vese vemwaka uno.

Asi mubati wehomwe wechikwata ichi, VaWebster Marechera, vanoti vapa murairidzi wavo, Lloyd Chigove, mari yekutenga vatambi vaanoda kuti avhare maburi akaonekwa mwaka wapera apo chikwata chavo chaitarika zvinotyisa.

Dynamos inonzi Irikuita hurukuro zvekare nemubati wepagedhe weYadah Stephen Chimusoso uyo varikuda kuti atsive Tonderai Mateyunga uyo arikudiwa nezvimwe zvikwata zvekuSouth Africa.

Asi Dynamos inofanira kugadzirisa nyaya dzevatambi vavo vanodarika gumi avo varikuda kusiya chikwata ichi vachienda kune zvimwe zvikwata.

Murairidzi wavo Chigove haasikuda dzokororo yezvakaitika mwaka wapera apo Dynamos yakapedza gore rese ichirwisa kuti isabude muPremier Soccer League.

Chigove anoti arikutarisira rutsigirwo rwakasimba mwaka uno kubva kuvatsigiri vechikwata chake avo anoti vanosvika 10 mirioni.

Mwaka wapera, Dembare yakazopedza iri pachinzvimbo chegumi nembiri mugungano rezvikwata gumi nezvisere rePSL iri.

Chakanyanyo rwadza vatsigiri vavo ndechekuti Dynamos yakapedza iri pasi pezvimwe zvikwata zvinoteverwa nechaunga, Caps United ne Highlanders. Asi vari kutarisira shanduko mwaka uno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG