Accessibility links

Breaking News

Dynamos Youmba Chikwata Chine Vatambi Vatsva Mwaka Uno


Dembare yaunganidza vatambi vakawanda vechidiki vasina mukurumbira avo murairidzi wavo, Lloyd Chigove, ane chivimbo chakasimba kuti vachamubatsira mwaka uno wenhabvu.

Chigove anoti ari kuda kurasa tsika yekuti vatambi vamwe chetevo ndivo vanenge vachingofamba kubva kune chimwe chikwata vachienda kune chimwe panguva yezororo yemitambo achiti iye ari kuda kuunza vatambi vatsva mudariro.

Dembare ichange zvekare ichiratidza vatambi vaviri vakabva kunze kwenyika, Ngandu Mankala na Diamon Onedika Katako avo vakabva kuDemocratic Republic of Congo.

Asi Chigove atsvagawo vamwe vatambi vane mazita munhabvu yemuZimbabwe kusanganisira Edward Sadomba uyo aitamba kuSudan, Archierford Gutu aive kuSweden, Kudzanai Dhembere uyo Dembare yakatenga kuHarare City, Edward Mhungu kubva kuHerentals, na Kudzai Chideu uyo aitambira Chicken Inn mwaka wapera.

Mumwe muteveri wechikwata ichi, VaBatai Kwayedza, vanoti pavakapedisira kuona chikwata chavo chaitonyadzisa zvekuti vari kuda kuti Chigove agadzirise zvavakaona mwaka wapera.

Asi VaKwayedza vachaona chikwata cheDembare chakasiyana zvikuru nechemwaka wapera sezvo Chigove atsiva vatambi vakaenda kune zvimwe zvikwata nevechidiki vakaita sa Munya Kawadza, Emmanuel Jalayi, Rodwell Mhlanga, Jerome Nyatenge, joseph Mutembedza, Tanaka Chiengeta Munyaradzi Chipo, Tatenda Hapazari, Tafadwa Ngwena, nevamwe vakadaro.

Mwaka wapera Dynamos yakatatarika zvikuru ndokupedza iri pachinhanho chegumi asi mumwe muteveri wechikwata ichi, VaMoses Mukanda, vanoti mukombe ndewavo gore rino.

Chigove pachake ari kutarisira kufadza chaunga chinotevera chikwata ichi icho anoti chave kudarika mamiriyoni manomwe.

Asi Chigove anofanira kuyambirwa kuti pasina zvibodzwa nemikombe, kuDynamos hakugarike.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG