Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inoti Ine Magwaro Anodiwa neCAF Kuti Itambe muMakwikwi eSangano Iri


Dynamos FC
Sachigaro vechikwata cheDynamos VaKenny Mubaiwa vanoti chikwata chavo chine magwaro ese anodiwa nesangano reConfederation of African Football (CAF) iro rakapa chisungo chekuti richamisa zvikwata zvemuZimbabwe zvisina mangwaro akakwana mukutamba mumakwikwi eCAF Champions League neConfederation Cup.

VaMubaiwa vanoti vachashanda nemasangano ePremier Soccer League ne Zimbabwe Football Association (ZIFA) mukuti magwaro aya asvitswe kuCAF gore rino risati rapera.

VaMubaiwa vanoti chikwata chavo chine chivimbo chekuti mutongo uyu hauva kanganise kutamba mumakwikwi aya gore rinouya sezvo vanezvese zvinodiwa.

Parizvino Dynamos ndiyo iri pamusoro pe log yePremier Soccer League. VaMubaiwa vanoti chikwata chavo chichatamba nechikwata cheHwange neChitatu svondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG