Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBato Rinopikisa muDRC, VaTshisekedi, Vanokunda muSarudzo yeMutungamiri weNyika


VaFelix Tshisekedi mwakomana wevaipikisa muDRC, mushakabvu VaEtienne Tshisekedi.
VaFelix Tshisekedi mwakomana wevaipikisa muDRC, mushakabvu VaEtienne Tshisekedi.

Mushure memazuva akawanda akufungidzira kuti ndiani achakunda musarudzo yemutungamiri wenyika muDemocratic Republic of Congo, boka rinoona nezvesarudzo munyika iyi, reCENI razivisa kuti VaFelix Tshisekedi ndivo vakakunda.

Izvi zvinenge zvave kureva kuti masimba anenge ave kuenda kune mumwe nenzira yegutsaruzhinji kekutanga kubva pakawana nyika iyi kuzvitonga kuzere kubva kuBelgium muna 1960.

Mashoko aya aziviswa paine mapurisa anodzivirira mhirizhonga akawanda aiswa muguta guru reKinshasa, paine kutyirwa kwemhirizhonga yezvakabuda musarudzo dzemusi wa 30 Zvita idzi, idzo dzainzi nevamwe dzabiridzirwa.

Muzinda weAmerica muDemocratic Republic of Congo wakanga wayambira zvizvarwa zvenyika yazvo kuti zvibude munyika iyi, apo vakuru muhurumende yenyika vakanga vachigadzirira kuzivisa zvakabuda musarudzo.

Paine nevakakwikwidza musarudzo yemutungamiri vane chitsama, asi vatatu vaive pamusoro ndaVaEmmanuel Ramazani Shadary, vebato riri kutonga reCommon Front for the Congo, avo vanodyidzana zvakanyanya nehurumende yaVaKabila. VaMartin Fayulu vakasarudzwa nevemapato makuru anopikisa mushure memusangano kuGeneva muna Mbudzi 2018.

Kwozotiwo vaTshisekedi, vanotungamira rimwe remapato ave nemakore achipikisa hurumende muDRC, re Union for Democracy and Social Progress.

Sarudzo dzemuDRC dzakanga dzave nemakore maviri dzichirongwa nezvadzo, asi dzakambosendekwa parutivi ruviri nebato riri kutonga reCommon Front for the Congo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG