Accessibility links

Breaking News

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League ari Otanga Svondo Rino Vateveri veNhabvu Vachichema neMari dzePamagedhe


Nhabvu yanga yave nenguva isiri kutambwa munyika nekuda kwedenda reCovid-19.

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League ari kutanga svondo rino asi paine mitauro pamari dzinobhadharwa pagedhe nevanoda kuona mitambo.

Zvikwata zvenhabvu muZimbabwe zviri kupinda mumakundano eCastle Lager Premier Soccer League kwapera makore maviri kusina mitambo asi paine mitaura pamari dziri kunzi dzibhadharwe pamagedhe.

VePremier Soccer League vaisa mitambo mipfumbamwe mudariro asi vateveri vemutambo uyu vari kuchema kuti madhora gumi emari yekuAmerica kupinda munhandare kuona mitambo iyi akawandisa.

Mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association VaJoseph Mutawu vanoti nhabvu yemuZimbabwe inokodzera kubhadharwa madhora mashanu chete kana mari iri pasi pemadhora mashanu aya.

Svondo rapera, veruzhinji vakaramba kupinda mudzinhandare kuona mitambo yeChibuku Super Cup vachinyunyuta kuti madhora makumi maviri aidiwa pagedhe aive akawandisa.

Asi mitambo yerigi iri kuenderera mberi paine mutambo mukuru muNational Sports Stadium mangwana pakati peBlack Rhinos neHighlanders.

Murairidzi weRhinos Hebert Marowa anoti vari kuda kunyora peji idzva munhabvu yemuZimbabwe mwaka uno.

FC Platinum, iyo ine mukombe uyu iri kuvhura musangano nemutambo wakapfava pamusha neTenax muMandava Stadium.

Zvikwata zvemuHarare, Dynamos neYadah zviri kuedzana masimba muNational Sports Stadium asi neSvondo.

Murairidzi weDembare, Tonderai Ndiraya anoti vari kufara kuti mitambo yeligi yadzoka achiwedzera iye kuti vari kuda kutanga nekukunda.

Asi vavakidzani vavo veCaps United vari kutanga hupenyu hutsva vasina murairidzi wavo Darlington Dodo apo vari kushanyira ZPC Kariba kuNyamhunga Stadium mangwana.

Dodo akadzingwa basa pakati pesvondo asi mashoko ari kufamba ari kuti Lloyd Chitembwe, uyo ari kuHarare City, ari munzira kudzokera kuMakepekepe.

Mimwe mitambo iri kuvhura musangano weligi mwaka uno yakamira seizvi ...

Mugovera

Chicken Inn vs Cranbourne

Ngezi Platinum Stars vs Bulawayo City

Svondo

Bulawayo Chiefs vs Triangle

Manica Diamonds vs Hwahwa

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League akapedzisira kuitwa muna 2019 apo FC Platinum yakatora mukombe mukuru uyu.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG