Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoti Havadzokeri kuBasa Kusvika Hurumende Yagadzirisa Zvichemo Zvavo


Byo Doctors strike
Byo Doctors strike

Apo kuramwa mabasa kwaana chiremba kwasvitsa masvondo maviri nemusi weChitatu, vamwe vana chiremba vamboratidzira kwekanguva kadiki pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals.

Studio7 yasvika pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals, UBH, kuratidzira uku kuchangopera.

Mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Dr Mxolisi Ngwenya, vanoti kuratidzira uku yange iri nzira yekuyeuchidza hurumende kuti igadzirise zvichemo zvaana chiremba.

Dr Mxolisi Ngwenya vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvikuru zvehurumende munyika yose.

Vati kunyange zvakadaro, vana chiremba vadiki havazi kuzodzokera shure panyaya yekuramwa mabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo, sezvo vati pave nenguva vachiudzwa kuti zvichemo zvavo zvichagadziriswa asi pasina chinobuda.

Mumwe mukoti mukuru paUBH uyo asina kuda kudomwa nezita kana kutaura pamhepo sezvo asingabvumirwe kutaura nevatapi venhau, ati vanhu vari kungorapwa pachipatara apa ndevaye vanenge vachirwara zvakaipisisa, sezvo vana chiremba vakawanda kunyanya vachangopedza zvidzidzo zvavo, vari kuramwa mabasa.

PaRichard Morris Hospital, chinove chikamu cheUBH panorapwa vanhu maziso, vamwe vanhu vange vauya kuzorapwa vange vachiudzwa kuti vadzokere kumba sezvo panga pasina vana chiremba vanga vachikwanisa kuvaona.

Ongororo yaitwa neStudio 7 paMpilo Central Hospital, chimwezve chipatara chikuru muBulawayo, yaratidzawo kuti kuchikamu chechipatara ichi chinorapa vanhu vachibva kumba - kana kuti Outpatients Department - kwange kusina vanhu.

Chiremba mukuru paMpilo, Dr Solwayo Ngwenya, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vari kungokwanisawo kurapa vanhu vari kurwara zvakaipisisa, zvinhu hazvina kunyanya kuipa sezvo vana chiremba vakuru nevamwe vanoshanda vachibva kunze, kana kuti consultants, vari kushanda semazuva ose.

Dr Solwayo Ngwenya vabvuma mashoko ekuti vana mukoti vanonzi vari kuda kutanga kuramwawo mabasa mangwana, asi vakurudzira vana chiremba pamwe naana mukoti kuti vakoshese varwere sezvinotarisirwa mubasa ravo.

Studio7 haina nkukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, kanawo kunzwa kugurukota rezvehutano, Va David Parirenyatwa.

Vana chiremba naana mukoti vanogara vachiramwa mabasa nguva nenguva vachitsutsumwa pamusoro pemashandiro avo uye mari shoma yavanowana.

Nekune rimwe divi hurumende inogarawo ichichema nerekuti haina mari.

Asi Fortune Moyo, mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira, ndemumwe wevanhu vanoti matambudziko ana chiremba pamwe nemamwe ane chekuita nezvehutano munyika anogona kugadziriswa, kana hurumende ikakoshesa nyaya yehutano munyika sezvainofanirwa kuita.

Kunze kwemari yavanohora, zvimwe zvezvichemo zvaana chiremba ava zvinosanganisira nyaya yekushaya zvikwanisiro zvekushandisa muzvipatara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG