Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kwaVana Chiremba Kwava neMazuva Makumi Matatu neMaviri


zimbabwe doctors strike
zimbabwe doctors strike

Vanhu vakawanda vanonzi vari kufa muzvipatara zuva-nezuva sezvo vana chiremba vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro pamwe nezvikwanisiro zvinoita kuti vakwanise kuita basa ravo.

Varwere vanonzi vari kufa muzvipatara nekushaya anovapa mishonga uku hurumende nanachiremba vachikakaVadzana panyaya yemari dzemihoro.

Mugari wemuHarare, VaTendai Chapeyama, vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira mushe muzvipatara zvikuru zvehurumende zvakaita secheParirenyatwa umo varwere vari kuswera varere muzvipatara vasina kana rubatsiro rwavari kuwana.

Amai Nomalanga Chemhere avo vane murwere ari muchipatara vanoti vave kutorapisa murwere kunana chiremba vakazvimirira asi izvi zvave kuvadhurira.

Muzvare Primrose Chimimba vakurudzirawo hurumende kuti igadzirise nhuna dzanachiremba kuitira kuti vanhu vasarambe vachirasikirwa nehupenyu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kuti vanhu vangani varasikirwa nehupenyu hwavo kuburikidza nekuramwa mabasa kwavana chiremba.

Kuramwa mabasa uku nemazuva rechimakumi matatu nemaviri.

Asi Amai Chemhere vati kana vanachiremba vari kuramwa mabasa vasingdadi kudzoka kumabasa, zviri nani hurumende ibvise vana chiremba ava pabasa yoisa vamwe vanhu vakaita savana chiremba vechisoja vazobatsira vanhu muzvipatara.

Vamwe vana mukoti vatataura navo vanoti vanga vachidzoserwa kudzimba nevakuru vavo sezvo muzvipatara manga musina vanachiremba.

Zvichakdai, mumwe chiremba wepaParirenyatwa watataura naye, VaWallace Hlambelo, vaudza Studio 7 kuti havasi kuzodzokera kubasa kudzamara hurumende yagadzirisa nhuna dzavo.

Kusamira zvakanaka kwezvinhu muzvipatara kwabva kwawedzera kuipa sezvo vana chiremba vakuru vave kuramwawo mabasa vachiti havakwanise kuitawo basa ravo nemazvo kana vana chiremba vadiki vasiri parutivi pavo.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vakaudza vatori venhau neChipiri kuti hurumende yakabvuma kutambira dzimwe nhuna dzanachiremba asi kwete dzose.

Vakatiwo hurumende haina mari yekunze yekubhadhara vana chiremba ava sezvavari kuda izvo zviri kuramba kutambirwa nana chiremba ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG