Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoti Havasi Kuzoita Basa Kusvika Zvinonetsa Zvagadziriswa


Vana chiremba vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvinhu
Vana chiremba vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvinhu

Vana chiremba vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara huye havasi kuzodzokera kumabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Vana chiremba vaudza vatori venhau kuti zvinovasuwisa zvakanyanya kuti vasvitsa mazuva gumi nemaviri vasiri kuenda kubasa uku hurumende isiri kumboedza kugadzirisa zvichemo zvavo.

Mutungamiriri weZimbabwe Hospital Doctor’s Association, Dr Elias Muzoremba, vati vanoshungurudzika zvikuru vachishanda muzvipatara zvisina zvikwanisiro zvakakwana.

Vatiwo muzvipatara zvehurumende hamuna mishonga izvo zvinoita kuti kunyange vakaona varwere, havana zvavanokwanisa kuvabetsera nazvo.

VaMuzoremba vatiwo vanachiremba vazhinji havasi pamabasa kunyange hazvo gurukota rezveutano, VaObadiah Moyo, vakaudza makurukota ehurumede neChipiri kuti vana chiremba vashoma ndovari kuramwa mabasa.

Munyori musangano reZimbabwe Hospital Doctor’s Asssociation, VaMthabisi Anele Bhebhe, vati zvinosuwisa kuti matambudziko avari kuchema nawo vanogarotaura nezvawo gore negore asi hurumende haisi kuagadzirisa.

VaBhebhe vati vana chiremba vekumatunhu vabatanawo nana chiremba vanga vari pakuramwa mabasa.

VaBhebhe vatiwo hurumende inofanirwa kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwezvekushandisa muzvipatara pamwe nekuona kuti vanachiremba vararamawo hupenyu hwakanaka.

Vana chirembawo vari kuti mari dzemihoro dzavari kuwana hadzikwani uye vanoda kuti hurumende ivabhadharewo nemari yekuAmerica.

Gurukota rezveutano, VaObadiah Moyo, vakaudza vatori venhau nezuro mushure medare remakurukota ehurumende kuti havasi kuzobhadhara vana chiremba nemari yekunze.

VaMoyo vakatiwo vakaita hurukuro nana chiremba uye vakati vazhinji vari kumabasa izvo zvarambwa nanachiremba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG