Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vodzokera kuMabasa?


Dr Mthabisi Bhebhe
Dr Mthabisi Bhebhe

Sangano ravana chiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, rinoti hurumende yavambisa kugadzirisa zvichemo zvenhengo dzaro, nokudaro vana chiremba vava kudzokera kumabasa avo mushure mekuramwa mabasa kwemazuva makumi mana.

Mutauriri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mthabisi Bhebhe, vaudza Studio7 kuti sangano ravo ramisa kuramwa kwaro mabasa uye nhengo dzaro dzave kuzodzokera kubasa, vachiti izvi zvinotevera kuvimbisa kwehurumende kugadzirisa zvichemo zvavo.

Asi vati vari kushushikana nenyaya yekuti nyaya yemari yemihoro haisati yagadziriswa vachitiwo kubatirwa mari dzemihoro kwakaitirwa vana chiremba pavange vachiramwa basa, kunogona kuvakanganisa kudzokera kumabasa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi uye kuti hurongwa hwayange yatanga hwekutsvaga vachiri kudzidzira kuve vana chiremba kuti vashande saana chiremba, hwave kuzodii.

Ongororo yaitwa neStudio 7 muzvipatara zvikuru zviviri zvemuBulawayo yaratidza kuti varwere vakawanda vange vachitadza kuwonekwa naana chiremba.

Tatadza kutaura nemukuru wepaUnited Bulawayo Hospitals, Dr Narcisious Dzvanga, sezvo vanzi vange vasisiri pabasa.

Mumwe wevatevedzeri wavo avo vangozvidoma nezita rekuti Dr Dube vange vambobvuma kutaura nesu pamusoro pemamiriro ezvinhu pachipatara ichi, asi vazoramba kuita izvi vachiti vange vakamirira kupiwa mvumo nevakuru vavo.

Mumwe murwere uyo angozvidoma nezita rekuti Trust ati asvika pachipatara apa nguva dzekuma 7 mangwanani kuti azobviswa simbi mumaoko ake aakakuvara mutsaona yemumugodhi asi kusvika nguva dzekumasikati ange asati aonekwa.

PaMpilo Hospital mukuru wechipatara VaLeonard Mabande vanzi havasi pabasa kusvika svondo rinouya uye mukuru waana chiremba, Dr Solwayo Ngwenya, vanzi vange vapedza basa.

Asi vamwe vanoziva zviri kuitika pachipatara ichi vati vamwe vana chiremba vange vachigadzirisa magwaro ekuti vakwanise kudzokera pabasa.

Mumwe mugari, Amai Grace Sibanda, vati vane hama yavo iri kuzvimba dumbu yange yave nemavhiki maviri ichitadza kuona vana chiremba vakati vane chivimbo chekuti kudzoka kwaana chiremba uku kuchaita kuti hama yavo iongororwe.

Vana chiremba vakatanga kuramwa mabasa pakutanga kwemwedzi waZvita vachitsutsumwa pamusoro pezvinhu zvakwanda kusanganisira kushaikwa kwemishonga nezvimwe zvikwanisiro muzvipatara zvehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG