Sangano rinomirira vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, rinoti ranyorera tsamba kudare remakurukota richinyunyuta nekubatirwa mari kwaitwa nhengo dzesangano iri.
Sangano iri rinoti ranyorerawo vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nehutungamiri mubazi rezvehutano richida kuti patorwe matanho echimbichimbi zvichitevera kubatwa kwemari dzavana chiremba vanonzi vakapinda mukuramwa mabasa.
Mutungamiri wesangano iri, Dr Fortune Nyamande, vanoti vanyorerawo zvakare kudare redzimhosva repamusoro vachida kuti rinzwe nyaya yavo yekubatwa kwemari dzemihoro iyi nechimbichimbi.
VaNyamande vanoti danho iri richatoita kuti vanachiremba vatadze kuenda kumabasa sezvo vazotambiriswa mari shoma shoma kwazvo.
Hurumende yakazivisa svondo rino kuti yaizobata mari inoita $264.48 kwemwedzi miviri kuna vanachiremba vakapinda mukuramwa mabasa kwemasvondo matatu. Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr Paul Chimedza, vakaudza Studio7 kuti zviri pamutemo kuti munhu anenge aramwa basa haafanirwe kutambiriswa mari yemazuva aanga asiri pabasa.
Kuratidzira kwakaitwa navana chiremba kwakavhiringidza kufamba kwemabasa muzvipatara zvehurumende.
Dr Nyamande vanoti vaziva nezvekubatirwa mari idzi pavaenda kumabhanga kwavo.