Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Vanhu Kuti Vaite 'Social Distancing'


Imwe nyanzvi munyaya dzehutano iri kukurudzira vanhu vari munzvimbo dzekuchengetera vanhu vari kubva kunze kwenyika kuti vangwarire kutapurirwa munzvimbo idzi hutachiona hwecoronavirus uho honokonzera chirwere cheCovid-19.

Doctor Edgar Munatsi vanoti vanhu vanenge vakachengetwa munzvimbo idzi mushure mekupinda munyika, vanofanirwa kutevedzera kurudziro yekuti vasagare pedyo napedyo, kana kuti vaite social distancing, kuitira kuti vasatapurirane chirwere ichi.

Izvi zvinotevera mashoko ebazi rezvehutano ekuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwakwira neChitatu manheru kusvika pazana nemakumi matatu nevaviri kana kuti 132.

Izvi zvinotevera kubatwa kwevanhu makumi masere nevatanhatu nechirwere ichi kuBeitbridge, Harare neMasvingo.

Pavanhu vose vabatwa vaine Covid-19 muZimbabwe, munhu mumwe chete pavanhu vose ava ndiye akatapurirwa chirwere ichi munyika.

Asi vamwe vose ava vane chirwere ichi, vanhu vakabva kuSouth Africa nedzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko akatumirwa Studio7 nezuro manheru neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zvuru zana negumi nezvipfumamwe, kana kuti 119,000 vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica uye vashaya vadarika zvuru zvitatu nemazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nevana, kana kuti 3,594.

Vapora kubva kuchirwere ichi vadarika zvuru makumi mana nezvisere, kana kuti hwadarika 48,000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose hwadarika mamiriyoni mashanu nezvuru mazana manomwe, kana kuti 5,7 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica, iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose, inoti vanhu vabatwa nechirwere ichi muAmerica vadarika 1,7 million, uye vafa munyika iyi vainge vadarika zviuru zana nechimwe nezuro manheru.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana matatu nemakumi mashanu nezvishanu, asi huwandu uhu hunogona kunge hwakirwa sezvo vanhu vari kufa nguva dzakasiyana siyana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG