Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoti Kunyange Vakatyityidzirwa, Havadzokeri Kunoita Basa Ravo


zimbabwe doctors strike
zimbabwe doctors strike

Vana chiremba vari kuramwa mabasa varatidzira pachipatara cheParirenyatwa muHarare vachiti kunyange hurumende ikaramba ichivatsityidzira, havasi kuzodzekera kumabasa kana zvichemo zvavo zvisati zvagadziriswa. Rutendo Mawere anotipa nyaya inotevera.

Vana chiremba vanoti vari kushushikana zvakanyanya nekushaya hany’a kwehurumende mukugadzirisa matambudziko ari munyaya dzehutano.

Mumwe chiremba, Dr Prince Butau, vati mukushanda kwavo havana zvekushandisa zvinovadzivirira zvekuti vamwe vana chiremba vari kutoshandisa makondomu semagirovhosi ekupfeka mumaoko, sezvo magirovhosi asiri kuwanikwa.

Mumwe chiremba, Dr Rejoice Kututwa, vaudza Studio 7 kuti hazvivabatsiri kuti vamanikidzwe kudzokera kubasa vasina zvekushandisa zvakakwana zvinosanganisira mishonga.

Dr Kututwa vatiwo vanodawo kurarama nekudaro havangatarisirwi kuenda kumabasa vasina cheuviri chavanowana.

Mumwe chiremba asina kuda kudomwa nezita atiwo zvavari kushandisa muzvipatara hazvikurudzirwi asi kuti vanenge vachingoitirawo kubatsira varwere.

Chiremba uyu atiwo sezvo zvinhu zvave kungotengeswa nemadhora ekuAmerica, vanodawo kuti vabhadharwe nemadhora aya kuitira kuti vakwanise kurarama.

Mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctor’s Association, Dr Elias Muzoremba, vanoti hapana chati chanyatsobuda pahurukuro dzavo nehurumende vachiti vakangovimbiswa kuti pane mishonga yatsvakwa asi haisati yasvika kuzvipatara.

Vatiwo nyaya yemararamiro avana chiremba mushure mekukwira kwemitengo yezvinhu haisi kutaurwa nezvayo nehurumende.

Munyori musangano raana chiremba iri, Dr Mthabisi Anele Bhebhe, vatiwo zviri kuitwa nehurumende zvekuvatyityidzira hapana zvazvinobatsira, uye hazvivavhundutsi.

Kuramwa mabasa kwavana chiremba kwava nemasvondo maviri,

Gurukota rezveutano, VaObediah Moyo, vaakaudza vatori venhau nezuro kuti vana chiremba vanofanirwa kudzokera kumabasa matambudziko avo ogadziriswa vachishanda. VaOMoyo vakaudzawo makurukota ehurumende kutanga kwesvondo rino kuti vana chiremba vazhinji vari pamabasa.

Asi ongororo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti vana chiremba vakawanda havasi pamabasa, uye vanhu vari kudzoserwa kudzimba vachinzi muzvipatara zvehurumende hamuna vana chiremba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG