Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Anoenderera Mberi Achiramwa Mabasa


Zimbabwe Abduction
Zimbabwe Abduction

Vanachiremba nevanamukoti vapinda mumigwagwa muHarare vachiti havasi kuzodzokera kubasa kudzamara vakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano ravanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaPeter Magombeyi, vabuditswa muhupambwa.

Vanachiremba nevanamukoti vanga vachidarika mazana matatu varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nekupambwa kwakaitwa VaMagombeyi vachiti havasi kuzodzokera kubasa kana VaMagombeyi vasina kubuditswa muhupambwa.

Vamwe vanga vari pakati pevaratidziri ava vanosanganisira hama dzaVaMagombeyi, idzo dzaratidza kushushikana zvikuru nekupambwa kwakaitwa hama yavo neMugovera nevari kufungidzirwa kuti vasori.

Baba vaVaMagombeyi, VaHarry Magombeyi, vati mhuri yavo yose iri kushushikana mupfungwa kubva pakapambwa mwana wavo uye vane tarisiro yekuwana mwana wavo ari mupenyu.

Mumwe chiremba mukuru anga ari pakati pevaratidziri ava, VaBothwell Mbuvayesango, vati havakwanise kushanda kudzamara VaMagombeyi vawanikwa.

Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa neSvondo zvichitevera kupambwa kwakaitwa VaMagombeyi.

Munyori musangano rinomirira vanamukoti reZimbabwe Nurses Association, VaEdwick Nhema, vatiwo vari kutyirawo hupenyu hwavo zvakare zvichitevera mashoko ekutyisidzira akasvitswa panharembozha yavo VaMagombeyi vasati vapambwa neMugovera.

Vanamukoti vekuBulawayovanonziwo vatanga kuramwa mabasa nepamusana pekupambwa kwaVaMagombeyi pamwe nekushomeka kwemari dzavari kutambiriswa nehurumende.

KuChinhoyi zvinonzi madhokotera chete ndiwo ari kuramwa mabasa.

Zvichakadai, munyori musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaTawanda Zvakada, vati varwere muzvipatara zvakawanda havasisina achavarapa nekuda kwekuramwa mabasa kwavari kuita uku.

Vanachiremba nevanamukoti vanga vachiratidzira muHarare vatadza kusvika kuparamende mushure mekunge mapurisa anga akapakatira zvombo avavharira panosangana migwagwa inoti Mazowe Street naJosiah Tongogara kuti vasapinde pakati peguta vachibva pachipatara cheParirenyatwa pavatangira kuratidzira uku vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana.

Mushure memaawa maviri varitidziri ava vakamiswa nemapurisa panzvimbo iyi apo pavanga vachiimba zvakaomara, mapurisa azobvumidza hutungamiri hwevaratidziri ava chete kuti hunosiya gwaro renyunyuto kudare reparamende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vakaudza vatori venhau nezuro kuti kuti hurumende ichashandisa mauto nemapurisa kuti abatsire muzvipatara sezvo vana chiremba vari kuramwa mabasa.

Zvichakadai, sangano ravachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights raburitsa mashoko ekutsoropodza kupambwa kwaVaMagombeyi richiti hurumende inofanira kuona kuti VaMgombeyi vawanikwa uye kodzero dzeveruzhinji dzachengetedzwa.

Hurumende yakazivisa kuti yaudza mapazi ayo ose anoona nezvekudzivirirwa nekuchengetedzwa kwenyika kuti aferefete kuti zvizivikanwe kuti VaMagombeyi vakapambwa nani, hurumende ichiti pari zvino haisi kuzivawo kuti VaMagombeyi varipi.

Kupambwa kwaVaMagombeyi kwashorwawo nesangano rinomirira vadzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG