Gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, varimirana pamuganhu nevashandi vemuzvipatara nekutadza kuri kuita hurumende kupa vashandi ava mbatya dzekuzvidzivirira vari pabasa panguva yavanenge vachirapa varwere vanenge vachifungidzirwa kuti vane chirwere cheCoronavirus, kana kuti Covid-19.
Vanachiremba nanamukoti vanoti havasi kuzoita basa kana hurumende isina kuvapa mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCoronavirus.
Vashandi vemuzvipatara ava vanoti kushanda vasina hanzu dzekuzvidzivirira dzakakwana kunovapinza panjodzi yekubatira chirwere cheCovid-19 icho chakatouraya munhu mumwe chete muZimbabwe nevamwe vakakwanda pasi rose.
Mutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaTawanda Zvakada, vaudza vatori venhau kuti kunzi vadzokere pabasa vasina zvipfeko zvekuzvidzivirira, zvakafanana nemagirovhosi nema mask zvakafanana nekutongerwa rufu.
Asi VaMoyo vaudza Studio7 mushure mekutambira mushini unoshandiswa kubatsira varwere pakufema kana kuti ventilator wapihwa chipatara cheWilkins nesangano rakazvimirira riri kuzvidaidza kuti Zimbabwe National Covid Action Trust, kuti hurumende yabvuma kupa vana chiremba mari dzekushanda kurwisa chirwere cheCovid-19 uye vati zvipfeko zvekuvadzivirira zvavepo.
Mhuri yaZororo Makamba uyo akashaya neMuvhuro nekuda kwechirwere cheCovid-19 yakagunun’una kuti Zororo akafa mushure mekushaya michina inobatsira kufema paaive kuWilkins uye sangano rabvisa muchini uyu rati riri kushanda zvakasimba kuti ritenge mimwe michina yakadai ichaiswa kune zvimwe zvipatara.
VaMoyo vati zvipfeko zvavanachiremba zvekuzvidzivirira zvavepo vakavakurudzira kuti vaende kumabasa vanobatsira veruzhinji zvikurusei panguva ino yechirwere che Coronavirus.
Asi VaZvakada vati vachatenda maruva vadya chakata.
Vamwe vakoti vanga vachiratidzirawo pachipatara cheHarare Central vachiti havakwanisi kushanda vasina magirovhosi, ma mask nezvimwe zvakadaro zvavanoshandisa mukuzvidzivirira kuti vasabatire zvirwere pavanenge vachiita basa.
Zvichakadai, vamwe veruzhinji vakaita saVaLovemore Taruvinga, vaudza Studio7 kuti varambirwa varwere vavo muzvipatara zvakaita seHarare Central Hospital nepamusana pekushaikwa kwembatya dzekuzvidzvivirira dzavana chiremba nevakoti.
Panguva iyo chirwere cheCovid-19 chapfunya chisero munyika dzakawanda pasi rose kusanganisira Zimbabwe, hotera yeBronte iri muno muHarare yaburitsa mashoko ekuti yave kumbovhara mikova yayo senzira yekuchengetedza vashandi vayo pamwe neveruzhinji.
Izvi zvinouaywo apo bepanhau reChronicle raburitsa nhasi mashoko ekuti mamwe mahotera ekuVictoria Falls uko kunowanzoshanyirwa nevekunze avharawo mikova yawo nepamusana pechirwere ichi.
Hurumende inoti pane vanhu vatatu vakabatwa chirwere che Coronavirus munyika uye mumwe ndiZororo Makamba uyo akashaya neMuvhuro akaradzikwa neChipiri.
Sangano reWorld Health Organization rinoti chirwere ichi, icho chakatangira kuguta reWuhan kuChina gore rapera, chauraya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nezana pasi rose.
Facebook Forum