Sangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, re Zimbabwe Hospital Doctors Association, rinoti richaburitsa mashoko azere pamusoro pehutano hwevakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano iri, Doctor Peter Magombeyi.
Mutevedzeri wavo, Doctor Samson Ndoro, vanoti pari zvino vakamirira kuti gwaro rehutano hwavo, kana kuti medical report, ribude pamwe nezvakabuda mune dzimwe ongororo dzavakaitwa, kuitira kuti vangozopa gwaro rizere kuvanhu vose.
Vanotiwo Doctor Magombeyi havasati vasimba zvekuti vangaburitswa muchipatara, nekudaro vachiri kuongororwa navanachiremba vavo.
Panyaya yekuti vanachiremba vakanga vachiramwa mabasa vachiti vaizodzokera chete kana Doctor Magombeyi vawanikwa, Doctor Ndoro vanoti panyaya iyoyo vanoda kutanga vaziviswa kuti chii chakaitika kwavari, vachiti zvakare vave kuda kuchitangawo kuita nhaurirano nemushandirwi kuitira kuti vachikwanisawo kudzokera kumabasa.
Doctor Magombeyi vanonzi vari muchipatara mushure mekutochwa zvichitevera kupambwa kwavanonzi vakaitwa musi wa 14 mwedzi uno nevarume vatatu vakanga vakapakata zvombo.
Doctor Magombeyi vanonzi vakazowanikwa mune rimwe sango kuNyabira, makiromita makumi matatu kubva muHarare.
Facebook Forum