Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yosangana neCaps United neSvondo


Caps United
Caps United

Chikwata cheDynamos chawana mukana wekuenda pamusoro pemakundano eCastle Lager Premier Soccer League kekutanga kubvira makundano emwaka uno atanga.

Chikwata ichi chiri kungoda kurova Caps United mumutambo unodaidzwa kunzi Harare Derby muRufaro Stadium neSvondo kuti chiende panhongonya pemakundano aya nepoindi imwe chete vachisvetuka Chicken Inn ne FC Platinum idzo dzine mapoinzi makumi mashanu nerimwechete.

Pari zvino, Dynamos ine mapoinzi makumi mana nemapfumbamwe zvekuti ikaita mangange inoramba iri pachinhanho chechitatu chairi pasi pemaGame Cocks neKugona Kunenge Kudada nepoinzi imwechete.

MaGame Cocks neKugona Kunenge Kudada havana mitambo svondo rino sezvo vePremier Soccer League vari kupa nguva ino kuzvikwata zvine mitambo yeligi yakasaririra neizvo zviri kutamba mitambo yepasi pasi muChibuku Super Cup.

Pakapedzisira kusangana Dembare nemaGreen Machine masvondo matatu apfuura Makepekepe akazvambaradzwa 2-0 asi mumwe muteveri mukuru wechikwata ichi, VaPeter Mugwagwa, avo vanobva mumusha weRimuka muKadoma vanoti ikozvino rave janha ravo

Asi Dynamos yacho haisi yekudherera sezvo isati yarohwa pamitambo yayo minomwe yapera yakateverana.

Kunyange hazvo vakaita mangange neHighlanders svondo rapera, sachigaro wevatsigiri vechikwata ichi muHarare, VaChristopher Mandizha, vanoti hapana chiri kuvatadzisa kutora mukombe weligi mwaka uno.

Zvikwata izvi zviri kupinda zvisina vamwe vatambi varambidzwa kutamba mutambo uyu nePremier Soccer League nemhaka yemakadhi avo awandisa.

Caps United ichange isina Valentine Musarurwa panguva iyo Dynamos ichange isina Lincoln Zvasiya na Tichaona Chipunza.

Murairidzi weDynamos, Lloyd Mutasa, azivisa zvekare kuti haasi kutambisa Christian Epoupa uyo ane nyaya iri kunetsa yekadhi raakapihwa svondo rapera kunyange hazvo veZifa vamupa mukana wekumushandisa.

Mutasa ari kukurudzira vatsigiri vechikwata chake kuti vauye muhuwandu hwavo kuzobatsira chikwata chavo kukunda.

Zvakamira zvakadai, vePremier Soccer League varonga zvekare mimwe mitambo miviri svondo rino, kwete yeleague asi yeChibuku Super Cup.

Mitambo iyi iriko yese mangwana, uyezve munhandare imwe chete yeMandava Stadium, kuchitanga mutambo pakati peHwange neYadah uyo uchazoteverwa neuyo uchasangana Tsholotsho Pirates neBantu Rovers.

Zvichakadaro, akundano eEnglish Premiership ari kupinda munharaunda yechishanu chikwata chiri pamusoro che Manchester United chiri pamusha neEverton

MaRed Devils anofanira kusunga dzisimbe mumutambo uyu kuti vatore mapoinzi ese matatu nekuti kusaita izvi, kukasangana nekukunda kweMancheter City kuWatford vanobviswa pamusoro soro pavari apa.

Mimwe mitambo iriko ndeiyi:

West Brom v West Ham

Newcastle v Stoke

Huddersfield v Leicester

Liverpool v Burnley

Tottenham v Swansea

Chelsea v Arsenal

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG