Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vanoti Chibvumirano cheLancaster House Chakavadzosera Shure Zvikuru


Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga Vanoti Chibvumirano cheLancaster House Hachiremekedze Vanhukadzi
Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga Vanoti Chibvumirano cheLancaster House Hachiremekedze Vanhukadzi

Amai Misihairabwi Mushonga vanoti kunyorwa kwechibvumirano ichi pasina vanhukadzi vakawanda kwakaita kuti kodzero dzavo dzisaburitswe pachena.

Vanhukadzi vakawanda vanoti chibvumirano cheLancaster House Agreement chakanyoreranwa pasi muna Zvita 1979 chakange chisina kuvanakira sezvo vakange vasina kumiririrwa zvakakwana sevanhukadzi pamusangano uyu.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhukadzi uye vari nhengo yeparamende, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vanoti kutadza kumirirwa zvakakwana kwemadzimai kuLancaster House kwakaita kuti kodzero dzemadzimai dzisiiwe mubumbiro reLancaster House Agreement iro rakashandiswa kuumbaZimbabwe muna 1980.

Amai Misihairabwi Mushonga vanoti kunyorwa kwechibvumirano ichi pasina vanhukadzi vakawanda kwakaita kuti kodzero dzavo dzisaburitswe pachena.

Amai Misihairambwi Mushonga vanotiwo chibvumirano ichi chakaitwa zvechimbi chimbi zvekuti havana kutarisa zvinhu zvizhinji zvine chekuita nekugara kwevanhu sezvo chinangwa chaive chekumisa hondo bedzi.

Izvi zvatsigirwawo naMuzvare Anna Chibamu vanotiwo kutsikirirwa kwevanhukadzi kwakabudawo pachena pakunyorwa kwechibvumirano ichi. Muzvare Chibamu vanoti zvinogarovatambudza zvikuru kuti sei vanhukadzi vaive varwawo hondo yerusununguko vakasiiwa pakazoita nhaurirano idzi.

Muzvare Tendai Garwe, avo vanorwira kodzero dzemadzimai, vanotiwo chibvumirano cheLancaster chaisawona vakadzi sevanhu asi vanotiwo bumbiro idzva riripo rinoedza kugadzirisa zvisiri muLancaster House Agreement.

Muzvare Belinda Chinowawa, gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti chibvumirano cheLancaster House chakadzorera hupenyu hwevanhukadzi kumashure sezvo kodzero dzemadzimai dzaive muchibvumirano ichi dzaitarisa mitemo yemadzitateguru (customary law).

Muzvare Chinowawa vatiwo vanhukadzi vachine mutambo mukuru munyaya dzekuwana kodzero dzavo. Vati zvinovasuwisa kuti kunyange hazvo bumbiro ravapo richipa kodzero kumadzimai kukwidziridzwa uku hakusati kwanyatsobudirira.

Rimwe gweta zvakare, Muzvare Tariro Tandi, vanoti vanofunga kuti donzvo guru reLancaster House Agreement raive rekupa masimba kuvanhuvatema zvisinei nekuwanisa mikana yakaenzana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Vatiwo kutevedzerwa kwemitemo yechivanhu mubumbiro iri kwakaramba kuchidzikisira vanhukadzi.

Pamapato aive kuLancaster House, paive nemudzimai mumwe chete, Muzvare Thoko Siziba, avo vaive pachikwata che Zapu yaitungamirwa naVaJoshua Nkomo.

Madzimai anoti dai kodzero dzemadzimai dzakacherechedzwa zvizere pachibvumirano cheLancaster House Agreement ichi, dai mamwe matambudziko ari kusangana nevanhukadzi akapera kare.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG