Vagari vemudunhu reMasvingo, zvikuru madzimai, vanoti hurumende inofanirwa kupa bazi rezvehutano mari yakawanda kuitira kuti veruzhinji vasarasikirwe nehupenyu hwavo.
Vachitaura nhasi pamusangano weruzhnji waitwa nekomiti yeparamende inoona nezvemari, iyo yanga ichitora pfungwa dzevanhu pakugadzirwa kwebhajeti regore rinouya, vagari vekuMasvingo vati bazi rezveutano munyika raparara izvo zvoita kuti vanhu vazhinji, kunyanya vatungamiriri, vandorapwa kunze kwenyika.
Mugari wekuRunyararo West, Amai Dorothy Sibanda, vati bazi rezvehutano rinofanirwa kupihwa mari yakawanda.
Amai Marble Chikora vekuZaka vatiwo hurumende inofanira kuisa mari yekuwedzera zvipatara kumaruwa.
Mumwe mukoma wechidiki, Oscar Murambiwa, atiwo madzimai ari kuomerwa zvikuru kana vachinge vaenda kunorapwa, zvikuru chirwere chegomarara neshuga.
Nhengo yeparamende ye Bulawayo Central uye vari nhengo yekomiti inoona nezvemari , Amai Dorcas Sibanda, vati vanotsigira zvataurwa nemadzimai ekuMasvingo panyaya yekupa chikamu chikuru chebhajeti kubazi rezveutano.
Komiti iyi yanga ichitungamirwa naVa David Chapfika, vanove nhengo yeZanu PF inomirira Mutoko South.
Komiti yeparamende iyi iri kupinda muvanhu ichinzwa zvavanoshuvira mubhajeti renyika.
Facebook Forum