Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvoshushikana neKupera Kushanda kweMvumo yeZimbabwe Exemption Permits


Sachigaro veAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda
Sachigaro veAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda

Nyaya yemagwaro anobvumidza zvizvarwa zveZimbabwe kugara nekushanda muSouth Africa zviri pamutemo, kana kuti Zimbabwe Exemption Permits, yotsviriridza zvakare munyika iyi zvoita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika zviuru zana nemakumi masere zvigare zvakabatira ura mumaoko, sezvo magwaro aya ari kupera kushanda mukupera kwegore rino.

Kunyange hazvo hurumende yeSouth Africa ichinzi yakavimbisa kuti iri kutarisa nezvenyaya iyi, haina zvayati yataura kunze kwekupa tarisiro kune vanoshandisa magwaro aya yekuti ingangotora matanho ekuamutsiridza mwedzi uno waMbudzi usati wapera.

Izvi zviri kuitika panguva iyo zvimwe zvizvarwa zveSouth Africa pamwe nemamwe masangano nemapato ezvematongerwo enyika vari kurwisa kuti magwaro aya asamutsiridzwa vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuvatorera mabasa.

Asi mutungamiri webato rinopikisa reEconomic Freedom Fighters, VaJulius Malema, vari kushoropodza masangano nemapato aya vachiti zviri nani kuti ivo sebato varasikirwe nemavhoti pane kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvine nzara zvidzokere kumusha kusina chiriko.

Sachigaro vesangano rinorwira kodzero dzezvizvarwa zvekunze kweSouth Africa zviri munyika iyi, reAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti kupera kushanda kwemagwaro aya kwatotanga kukanganisa hugaro hwevana veZimbabwe sezvo vemakambani nevemabhanga vave kutotanga kunetsa.

Doctor Sibanda vanoti pane hurongwa zvakare hwekuti vaende kumatare edzimhosva vachida kuti amanikidze hurumende yeSouth Africa kupa hugaro kuvanhu vane magwaro aya sezvo vazhinji vavo vapedza makore gumi vari munyika iyi, izvo zvave kuita kuti vachipiwa mvumo yekugara muSouth Africa.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG