Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa chiri kushura mare nekurima miriwo yendudzi dzakasiyanasiyana, izvo zvave kuchipa raramo yachakanga chisingatarisire muhupenyu hwacho mushure mekumboomerwa nezvinhu munyika iyi.
VaLeonie Kuchakanya, avo vane makore makumi matatu ekuberekwa, vanoti vakafunga kutamba nevhu mushure mekunge vaona kuti zviroto zvemafuro manyoro vari muSouth Africa zvakanga zvisiri kubereka michero.
VaKuchakanya, avo vanobva kuMasvingo asi vakakurira mumusha weOld Highfield muHarare, vanoti pavakapinda munyika iyi vaive netarisiro yepamusoro sevakawanda vanobva kuZimbabwe, asi izvi handizvo zvakaitika, izvo zvakazoita kuti vashande mabasa akawanda asi hazvina kugadzirisa matambudziko avo.
Vaona kuti zvinhu zviri kuramba kubatana, vanoti vakazofunga kuedza mamwe mabhindauko izvo zvakazoita kuti muna 2016 vatsvage nzvimbo yekurima muPretoria, uko vakawana gombo ravakatotanga kugobora voga.
Mushure memakore mashanu, VaKuchakanya vanoti vave kudya cheziya ravo sezvo vave mumwe wevarimi vepamusoro vari kuwanisa vanhu muriwo wendudzi dzinosanganisira makabheji, tsunga, hanyanisi, matomati nezvimwe zvakawanda.
Vanoti vanhu vanotenga zvirimwa zvavo vanobva muPretoria nenzvimbo dzakapoteredza, kusanganisirawo neguta reJohannesburg, uko vakawanda vanobva vachinohodha zvekuzotengesawo mberi.
Asi VaKuchakanya vanoti hausi mutserendende nguva dzose mubasa ravo sezvo vari kusangana nedambudziko guru rembavha dziri kuvashanyira dzichifunga kuti vari kuchengeta mari mumba.
Vanotiwo munguva ino yechirimo vanosangana nedambudziko remvura, izvo zvinoita kuti vade kuisa bhohoro kana mukana wacho wawanikwa.
Vanokurudzirawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvishande nesimba kunyange munguva yekuomerwa, pane kuti zvitsvage ruramo kuburikidza nekuita mabasa erima.
Facebook Forum