Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muVirginia, muAmerica, Chinovhura Chitoro Chinotengesa Zvekudya Zvekumusha


Muridzi weTisu Zim Goodies Grocery Store yakavhurwa kuAlexandria kuVirginia muAmerica, Amai Rowesayi Nyadzayo vari muchitoro chavo.
Muridzi weTisu Zim Goodies Grocery Store yakavhurwa kuAlexandria kuVirginia muAmerica, Amai Rowesayi Nyadzayo vari muchitoro chavo.

Nechido chekugutsa vana veZimbabwe vari muAmerica vanofarira chikafu nezvigadzirwa zvekumusha, Amai Rowesayi Nyadzayo vakavhura chitoro chinotengesa zvinhu izvi pamwechete nemichero yesango yekumusha mumusha weAlexandria mudunhu reVirginia.

Chitoro ichi, icho chinonzi TISU ZIM GOODIES, chinowanikwa panhamba 3221 Colvin Street, makare muAlexandria, uye chinovhurwa mazuva maviri pasvondo, Mugovera neSvondo.

Asi Amai Nyadzayo vanoti kana pakaita vane zvavari kuda vakafonerwa vanokwanisa kumhanya vonovhura chitoro ichi chero nguva.

Vanoti vakatora zita rechitoro chavo kubva kumazita evanakomana vavo vaviri, Tinotenda naSungano.

Amai Nyadzayo vanoti vakazofunga zvekuvhura chitoro mushure mekutengesera mumotokari yavo kwemakore akati kuti, uye vanoti vari kutenda chose vana veZimbabwe nevekune dzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica vakamira navo kubva pakutanga kusvika nhasi.

Zvidyiwa zviri kuwanikwa kuTISU ZIM GOODIES zvinosanganisira zvinwiwa zvembiri zverudzi rwe mazoe, masamba endudzi dzose, maputi, upfu hwemhunga nehwezviyo, sipo dzekugezesa, mafuta ekuzora, michero yemusango inosanganisira matohwe, mawuyu nemasawu pamwe nemishonga inosimbisa miviri yevanhurume neyevanhukadzi.

Amai Nyadzayo vanoti pamusoro pevatengi vanobva munharaunda yeD.C., Maryland, Virginia neWest Virginia, vave kuwanawo vamwe vanobva kumatunhu ari kure akaita seNew York, Pennsylvania, neNorth Carolina, kusanganisira vanobva kunyika dzekuchamhembe kweAfrica.

Asi vanoti dambudziko ravo guru nderekudhura kunoita kutsvitsa zvinhu izvi kuAmerica zvichibva kumusha, izvo vanoti zvinozoitawo kuti mitengo iite seiri pamusoro zvakanyanya, uye rimwe dambudziko ravari kusangano naro ndere kudhura kunoita nzvimbo dzekushandisa sezvitoro mudunhu iri.

Asi Amai Nyadzayo vanoti kunyange vachisangana nezvimhingamipinyi zvakadai, veruzhinji vari kufara chose nekuwanira chikafu chekumusha pedyo navo, ivowo vachizadzisa chido chavo chekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe nekudya kunovaka muviri.

Hurukuro naAmai Rowesayi Nyadzayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG