Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yezveKurima, Doctor Katso, Vanoti Kurima Ndiyo Chete nzira Inoburitsa Zimbabwe muHurombo


Nyanzvi yezvekurima nekutengeserana, Doctor Tawuya Katso
Nyanzvi yezvekurima nekutengeserana, Doctor Tawuya Katso

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muno muAmerica, Doctor Tawuya Katso, vannoti kurima ndiyo chete nzira inokwanisa kusimudzira hupenyu hwevanhu muZimbabwe kuburikidza nekutengesa zvirimwa zvavo kumisika mikuru inosanganisira yenyika dzekunze.

Doctor Katso, avo vakaita zvidzidzo zvekurima, pari zvino vari kushanda samaneja anoona nezvekutengeserana muzvitoro zvinotengesa zvekudya vari kudivi rekutengwa nekutengeswa kwezvirimwa, kana kuti Agri-Business, vari mudunhu reMaryland muAmerica.

Doctor Katso vanobva kuBocha mudunhu reManicaland asi vakazokurira kuBulawayo. Pavakapedza zvidzidzo zvavo zvesekendari, vakazoenda kuBritain uko vakanoita zvidzidzo dhigirii ravo rekutanga rakanangana nezvekurima.

Muna 1998 vakazoenda kuAmerica uko vakazoita zvimwe zvidzidzo zvepamusorosoro zvePublic Administration nePublic Policy vakanangana nekurwisana nehurombo, kana kuti poverty alleviation.

Hurukuro naDoctor Tawuya Katso
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG