Accessibility links

Breaking News

Sangano reZDNNA Rosendeka Mhemberero dzeKuzvitonga Nekuda kweCoronavirus


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachibatidza mwenje werusununguko pazuva remhemberero yekuwana kuzvitonga kwenyika. Gore rino Zimbabwe iri kusvitsa makore makumi mana yawana kuzvitonga.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachibatidza mwenje werusununguko pazuva remhemberero yekuwana kuzvitonga kwenyika. Gore rino Zimbabwe iri kusvitsa makore makumi mana yawana kuzvitonga.

Sangano rezvizvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica, reZimbabwe Diaspora Network North America, ZDNNA, rinoti nekuda kwedambudziko rechirwere cheCOVID-19, ramanikidzwa kumbosendeka mabiko ekupemberera makore makumi mana Zimbabwe yawana kuzvitonga.

Mabiko aya anga akarongwa kuitwa neMugovera svondo rino mudunhu reMaryland asi atadza kubudirira nekuda kwemitemo yakadzikwa nematunhu ose muAmerica inorambidza vanhu kufambafamba munguva ino yekudziviria kupararira kwe coronavirus.

Sachigaro weZDNNA muD.C./Maryland/Virginia/West Virginia, VaJonah Masiya, vanoti vaona zvakakodzera kuti sesangano vatevedzere mitemo yakadzikwa nevatungamiri vematunhu avanomirira senzira yekuchengetedza mutemo pamwe nekudzivirira vana veZimbabwe kubva kuchirwere charura pasi rose ichi.

VaMasiya vanoti vanotarisira kuita mabiko aya kana zvinhu zvangogadzikana, kunyange hazvo vanga vachishuvira kuungana musi wezororo racho, unove Mugovera uno.

Zimbabwe yakawana rusunguko rwayo musi wa 18 Kubvumbi 1980, asi vamwe vanoti zvinhu hazvina kumbogadzikana munyika, zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika, hupfumi pamwe nehutano, izvo zvakatuma vanhu vakawanda kubuda munyika nezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Hurukuro naVaJonah Masiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG