Accessibility links

Breaking News

Sangano reDicafo Rowana Rubatsiro Kubva kuKambani yekuSouth Africa


Solomon Sox Chikowero

Sangano reDiaspora Care Forum, DICAFO, rabatsirwa nezvinhu zvekushandisa zvakaita semafomu akadhindwa nezvimwe mumatunhu ari kuchamhembe kweAfrica.

Zvinhu izvi zvabva kukambani ye Classy Trade and Invest, (CTI).

Vachitaura pavatambidzwa zvinhu zvekushandisa, munyarikani weDICAFO, VaAustin Moyo, vati sangano ravo rinofara zvikuru nezvaitwa nekambani yemuSouth Africa yeCTI . Vati kubva nhasi, sangano ravo richange richisimudzira chirongwa chekubatsira zvizvarwa Zimbabwe zviri kutambura kunze kwenyika.

Mukuru wekambani ye CTI, Va Louw Parsons, vati kambani yavo yabatsira DICAFO nechinangwa chekusimudzira basa rakanaka richazenge richiitwa nesangano iri.

Mukuru we DICAFO, VaSocks Chikowero, vatiwo sangano ravo richaendesa zvavapihwa kumatunhu akasiyana siyana ari muSouth Africa uyewo nenzvimbo dziri munyika dzose dziri kuchamhembe kweAfrica.

Asi vati izvi zvichaitwa kana vachinge vaparura mapazi munzvimbo idzi.

VaChikowero vati pane vanhu vanopfuura makumi mashanu vakaratidza chido chekuva vamiriri vesangano ravo mumatunhu akaita seSekunda, Limpopo neCape Town muSouth Africa.

Vatiwo kune zvizvarwa zvedzimwe nyika zviri kuratidzawo chido chekuva nhengo dzesangano ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG