Accessibility links

Breaking News

Global Witness: Mari yeMangoda Inosvika Mabhiriyoni Maviri Yotsakatika.


Sangano reGlobal Witness rinoti mari inosvika mabhiriyoni maviri emadhora kubva kuzvicherwa zvemuZimbabwe, kunyanya mangoda, haisi kuzivikanwa kuti iripi kubva zvatanga kucherwa mangoda kwaChiyadzwa kuMarange.

Global Witness rimwe remasangano anoshanda mukuona kuti mari inobva kuMangoda nezvimwe zvicherwa haisi kushandiswa mukutyora kodzero dzevanhu.

Mutauriri weGlobal Witness, Muzvare Emily Amistead, vanoti huori zvikuru kuMarange hwawandisa uye mari isiri kuzivikanwa kwairi kuenda iyi inogona kuzoguma yoshandiswa mukutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe.

Nyaya yekusafambiswa zvakanaka kwemari yekwaMarange yakamboburitswawo mugwaro rekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa. Gwaro iri rakatiwo vakuru vakuru muhurumende, mumauto nemapurisa ndivo vari kuwana chouviri kumangoda asi nyika ichinonga svosve nemuromo.

Vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vaigaro gunun’unawo kuti mari dzemangoda dzaisauya kuhurumende.

Asi sachigaro weZimbabwe Mining Development Corporation, Amai Florence Gowora, vanoti vanhu vari kuti pane chikiribidi nehuori kwaMarange vari kureva nhema.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti kwaMarange kune chikiribidi chinotyisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG