Accessibility links

Breaking News

Masahwira eZimbabwe Ozeya Nzira Dzekubatsira Nyika Iyi


Chatham House
Chatham House
Makurukota matatu muhurumende yemubatanidzwa akaita neChipiri hurukuro nevamiriri venyika dzekumawirira dzakaita seBritain, America, Australia uye mabhanga akaita seInternational Monetary Fund, IMF neWorld Bank senzira yekumutsiridza hukama hweZimbabwe nenyika idzi.

Zimbabwe yakarimirana kumuganhu nenyika idzi mushure mekunge yaita sarudzo dzakanzi nenyika dzekunze dzainge dzisina kuchena muna 2002.

Dzimwe nhumwa dzeSADC neEuropean Union dzataura neStudio 7 dzinoti musangano uyu wakaitirwa kuChatham House wange wakanangana nekuzeya remangwana renyika paine nyayawo yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vava mukweguri.

Sangano rakaronga musangano uyu, reChatham House, rinotiwo musangano uyu wange wakanangana nerekuti Zimbabwe ingashande seyi nedzimwe nyika.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, vanoti musangano uyu wange wakakosha zvikuru mukudyidzna kweZimbabwe nedzimwe nyika.

Mumwe wevaimirira Zimbabwe pamusangano uyu, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vati havakwanise kutaura pamusoro pezvakaitika sezvo vanga vari mumusangano.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Alliance, VaBriggs Bomba, vanoti musangano uyu wakakosha mune remangwana renyika.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti musangano uya wakakosha kana nyika idzi dzichirevesa kuti dzave kuda nhauriramo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG