Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuendeswa kweMasimba kuMatunhu Inotsviriridza paMusangano weStudio 7 kuBulawayo


Vamwe vevaive vadare muhurukuro yakaitwa neVOA yakabatana neMedia Centre kuBulawayo neChishanu manheru.
Vamwe vevaive vadare muhurukuro yakaitwa neVOA yakabatana neMedia Centre kuBulawayo neChishanu manheru.

Nyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu yakatsviriridza pamusangano wakaitwa muBulawayo neChishanu manheru, vamwe vagari vachitsutsumwa zvikuru nekwavanoti kusarangarirwa nehurumende kwematunhu ekuMatabeleland.

Pamusangano uyu, uyo wakaitwa nenhepfenyuro yeStudio 7 yakabatana neMedia Centre, pakaita makakatanwa makuru pamusoro pekuti chii chaizvo chinoreva kuendeswa kwemasimba kumatunhu.

Asi vanhu vakawanda vaive pamusangano uyu vakaratidza pachena kuti havazi kufara nenyaya yekuparara kwemaindasitiri muguta reBulawayo pamwe nekusarira kumashure munyaya dzebudiriro kwavakati kuri kuita matunhu eMatabeleland.

VaNqobizitha Dube, vanove mudzidzisi muzvidzidzo zvehupfumi uye vari mumwe wevatauri pamusangano uyu, vakati hazvishamise kuti nyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu inokonzera makakatanwa sezvo ichibata raramo yeveruzhinji. VaDube vakati zvakakosha kuti vanhu munyika vabvumirane gwara kana nzira yakajeka yekuti izvi zvichaitwa nenzira ipi.

Takunda Madzana mumwe wechidiki vaive pamusangano uyu. Takunda akati haabvumirane nepfungwa yekuti hupfumi hugovanwe kuchishandiswa huwandu hwevanhu vari mumatunhu akasiyana-siyana, achitiwo maonero ake ndeekuti kuendeswa kwemasimba kumatunhu haizi nyaya inofanirwa kunetsa.

Vamwe vanhu vaive pamusangano uyu vakati nyaya yekuti kune vanhu vakawanda vanogara munzvimbo dzavasingabvi, humbimbindoga pamwe nehuwori kunyanya hunoitwa nevezvematongerwo enyika ndezvimwe zvinhu zvinokonzera kusarira kumashure kwematunhu ari munyika.

Asi mutevedzeri wameya weguta reBulawayo VaTinashe Kambarami, avo vaivewo pamusangano uyu, vakati vanhu vemuZimbabwe havafanirwe kuitirana rusarura kuchishandiswa nyaya yerudzi kana kuti munhu anobva kupi, vachitiwo matambudziko akatarisana neveruzhinji munyika akangofanana.

VaKambarami vakabvuma kuti huwori idambudziko guru munyika asi vakati kana kuchitariswa makanzura, pave nemitemo yakajeka inobatsira kudzivirira nyaya yehuwori.

Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, avo vaivepowo pamusangano uyu, vakaudza Studio 7 kuti kuendeswa kwemasimba kumatunhu kunogona kubatsira kupedza matambudziko everuzhinji munyika, asi vakati havazi kugutsikana nenzira iri kutorwa nehurumende mukuti danho iri rizadzikiswe.

Musangano uyu waive wekupedzisira muchikamu chemisangano yakaitwa neStudio 7 ichishanda nesangano reMedia Centre munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika senzira yekunzwa mafungiro everuzhinji panyaya dzebudiriro nezvimwe zvinovabata mumararamiro avo zuva nezuva.

Misangano iyi yaiitwa nerutsigiro rwemuzinda wenyika yeAmerica muZimbabwe.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG