Accessibility links

Breaking News

Musangano weKudoma Zviri Pamutemo Vachamirira Democratic Party Musarudzo Ichaitwa Muna Mbudzi Wotanga


Election 2020 DNC
Election 2020 DNC

Musangano wekudoma zviri pamutemo vachamirira bato remademocrats musarudzo dzemuna mbudzi, VaJoe Biden nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, uri kutanga neMuvhuro muAmerica uchipera neChina asi zvose izvi zvichiitwa padandemutande nekuda kwechirwere cheCovid.

Nhasi vari kutarisirwa kutaura manheru ano vanosanganisira VaBernie Sanders uye mudzimai wevaive mutungamiri wenyika yeAmerica, VaBarack Obama, Amai Michelle Obama.

VaBiden vari kukwikwidzana nemutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vanenge vakamirira bato reRepublican Party.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muno muAmerica, uye vari sachigaro veMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti kusarudzwa kwaAmai Kamala Harris semutevedzeri waVaBiden kuchabastira bato reDemocratic Party musarudzo dzichaitwa.

"Ndinowona madzimai akawanda nevabvakure vari muAmerica vachizovhotera bato reDemocratic Party sezvo Amai Harris vakazvarwa nevabereki vakabva kune dzimwe nyika uye vari mudzimai achange ane simba guru kana bato ravo rikakunda," VaDzvokora vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda




Facebook Forum

XS
SM
MD
LG